Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanonzi Vakaiswa paRumananzombe neMauto


Army General Constantino Chiwenga smiles during the presidential inauguration ceremony in Harare, Zimbabwe, Nov. 24, 2017.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Doctor Wangu Mazodze, vanoti zviri pachena kuti mutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, vari kushandiswa semutungamiri wenyika nemauto, ayo anoda kuratidza pasi rose kuti muZimbabwe mune hurumende inotungamirwa nevanhu vasiri mauto.

VaMazodze vanoti mauto agara achitonga muZimbabwe, uye hazvishamise mune remangwana vanhu vonzwa kuti mukuru wemauto, Va Constantino Chiwenga, ndivo vava panyanga.

"VaMnangagwa takavapihwa nemauto, saka zvizhinji totoda kuzvinzwa nemauto, asi takangoona zvedu kuti vakagadzira inonzi military cabinet not takaona vana General Sibusiso avo vakange vachititsanangurira nezvekuenda kwaVaMugabe ndovatava kuona vari pa foreign affairs and international... tiri kuona apo, VaPerence Shiri vachiendesa pa agriculture," Va Mazodze vanodaro.

VaMazodze vanoti vanhu vechiuto ava vakafanana pamaitiro avo, nokudaro havatarisiri kuona shanduko inobva kuhurumende yaVaMnangagwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG