Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Haina Kukokwa kuMusangano weUS Democracy Summit


US Democracy Summit

Nyanzvi munyaya dzehutongo hwejechetere dzinoti kusakokwa kweZimbabwe kumusangano we US Democracy Summit wakatanga muAmerica nezuro, munongedzo mukuru wekuti hukama hweZimbabwe neAmerica hausati hwagadziriswa.

Nyanzvi munyaya dzemitemo, Doctor Alex Magaisa, vati kusakokwa
kweZimbabwe zvinoratidza kuti hukama hweZimbabwe nedzimwe nyika hausati hwagadzirika.

VaMagaisa vati Ziombabwe inofanirwa kugadzirisa nyaya dzekutongwa
kwevanhu zvakanaka pamwe nekusatyora kodzero dzevanhu izvo zvinoita
kuti iwirirane nedzimwe nyika dzinoremekedza kodzero nemitemo.

Sachigaro wePlatform for Youth Development, VaClaris Madhuku, vati
kusakokwa kweZimbabwe kunoratidza kuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa nenyika vanofanirwa kuita zvakawanda panyaya dzehutongi hwejekerere kuitira kuti vadanwe kumisangano yakaita seuri kuitwa.

VaMadhuku vati kuti nyika ibatanidzwe nenyika dzakaita seEthiopia
neMozambique idzo dzakagara dziri kumashure panyaya dzehutongi
hwejekerere mucherechedzo usina kunaka.

Asi vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, VaRejoice Ngwenya,
vati Zimbabwe inogona kunge isina kukokwa nekuda kwekuti inoonekwa
senyika isingade kudzidza uye ine nharo.

Asi vati Zimbabwe yaifanirwa kunge yakakokwawo kumusangano uyu.

Izvi zvinotsigirwa nemutauriri webato rinopikisa reMDC T, VaWitness
Dube, vachiti misangano uyakadai haifanirwe kuenda nyika dzine maonero mamwe chete vachiti vakakoka vangadai vakaita zvinoitwa neUnited Nations inokoka nyika dzose.

Musangano weUS Democracy Summit uri kuitirwa padandemutande uye uri kupindwa nevatungamiri venyika vanodarika zana.

Patabvunza muzinda weAmerica munyika kuti sei Zimbabwe isina kukokwa kumusangano uyu, vakuru vakuru vepamuzinda vapindura padandemutande reWhatsApp kuti havana chekupindura pakuenda kana kusaenda kwenyika kana masangano kumisangano yakadai.

Vachitaura pakuvhurwa kwemusangano uyu nezuro munyori wepasi mubazi rezvekuchengetwa kwevanhu, hutongi hwejekerere pamwe kucherechedzwa kwekodzero dzevanhu muAmerica kana kuti Under Secretary for Civilian Security, Democracy, and Human Rights Uzra Zeya vakati zviri pachena kuti nyaya dzehutongi wejekerere huri kurwiswa munzvimbo dzakawanda pasi rose

Hatina kunzwa divi rehurumende sezvo mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaKindness Paradza, vati vaita mutete panyaya iyo vakati tibate gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, avo vanga vasingadavire mbozhanhare yavo.

Musangano wemazuva maviri uyu uri kutaura pamusoro pekudzivirira
hutongi hwehumbimbindoga, kurwisa nyaya yehuori pamwe nekucherechedza nekuremekedza kodzero dzevanhu pasi rose.

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vakataura zvakadzama nezuro pamusoro pehutongo hwejekerere, vachiti pasi rose rinofanirwa kuremekedza hutongo hwakadai.

Musangano uyu ndewekutanga kuitwa naAmerica munhoroondo yayo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG