Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzorumbidza Matanho Ari Kutorwa naVaMnangagwa


Zimbabwe's former Vice President Emmerson Mnangagwa, who is to be sworn in to replace Robert Mugabe as president, addresses supporters in Harare, Zimbabwe, Nov. 22, 2017.
Zimbabwe's former Vice President Emmerson Mnangagwa, who is to be sworn in to replace Robert Mugabe as president, addresses supporters in Harare, Zimbabwe, Nov. 22, 2017.

Nyanzvi mune zveupfumi dzinoti hutungamiri hwaVaMnangagwa huri kuratidza kuti huri mugwara rekuedza kugadzirisa hupfumi hwenyika.

Asi vamwe vanotiwo pachine zhinhu zvizhinji zvinofanirwa kuitwa naVaMnangagwa mukunyurura Zimbabwe mumatope mairi.

Imwe nyanzvi mune zveupfumi, VaNyasha Muchichwa, vati senyika zvakakosha kumbopa VaMnangagwa mukana wekuti vanoita here zvavari kuvimbisa.

VaMuchichwa vawedzerawo kuti senyika isina mari, VaMnangagwa vari mugwara pakuedza kuderedza mari inoshandiswa nehurumende vakati mashoko avo ekuti vachaderedza makurukota ehurumende zvinobetsera kuti Zimbabwe isaramba ichishandisa mari isipo.

Asi VaMuchichwa vatiwo pane zvakawanda hurumende yaVaMnangagwa zvainofanirwa kuita mukugadzirisa hupfumi hwenyika.

VaMuchichwa vati zvirongwa zvehurumende itsva iyi zvakakosha zvikuru mukusimudzira nyika. Vatiwo nyaya yekuumba mabasa yakakosha zvikuru munyika.

Izvi zvatsigirwawo naVaTawanda Karombo avo vati kuchine matanho akawanda ekuti hurumende itore, senzira yekudzosera hupfumi pagwara rakanaka.

VaKarombo vakurudzira kuti hurumende ideredze vashandi vayo, ideredze mari inoshandiswa nehurumende pamwe nekuongorora patsva hwaro hweupfumi hwenyika kunyanya nyaya ye Indigenization Policy.

Dzimwewo nyanzvi dzati makurukota ehurumende achasarudzwa naVaMnangagwa ndiwo acharatidza kuti mutungamiri wenyika anorevesa here kuti anoda kugadzirisa hupfumi hwenyika kana kuti anongovawo mashoko zvawo.

Pasi pehurumende yaVaMugabe, hurumende yanga yakakurisa, vashandi vehurumende vakawanda huye kufamba kwaVaMugabe kunonzi kwaipedzawo mari izvo zvaizoita kuti mapazi ane chekuita neraramo yevanhu asawane mari zhinji yekusimudzira hupenyu hweveruzhinji.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG