Accessibility links

Breaking News

Hurumende yeSouth Africa Inokurudzirwa Kuti Isarambidza Zvizvarwa ZveZimbabwe Zvinoda Kudzokerako


VaSibanengi Dube veZimbabwe Exiles Forum

Munyori mubazi rezvekubudiswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vanoti huwandu hwezvizvarwa zveZimbabwe zviri kudzoka kumusha kuManicaland hwave mazana maviri nemakumi matatu nevana (234). VaMangwana vanyora paTwitter pavo kuti vanhu ava vari kuchengetwa paFITC, Magamba Training Center, ROWA Training Center, ne paMutare Teachers College.

Vati kuMidlands, Mkoba Teachers College ine vanhu makumi maviri vakadzoka kubva kuSouth Africa, kuchinzi vamwe gumi neumwe varikutarisirwa neSvondo. Mkoba Teacher's College inonzi inokwanisa kutora vanhu vanoita mazana mashanu.

Umwe wevakuru vesangano reZimbabwe Exiles Forum, VaSibanengi Dube, vaudza Studio 7 kuti sangano ravo harisikufara nekudhindwa kwemapasipoti ezvizvarwa zveZimbabwe kuti zvisakwanisa kupinda muSouth Africa zvekare kwemakore mashanu, vachiti vanhu ava vakange vaine mapasipoti avo, vakapinda muSouth Africa zvakanaka asi vakatadza kubuda munyika iyi pamusopro pekuvharwa kwemabhodha nekuda kwechirwere che coronavirus.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG