Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inokurudzirwa Kubhadharira Zvizvarwa ZveZimbabwe Mari Dzemabhazi Kubva KuSouth Africa


Zimbabwe Exiles' Forum inokurudzira hurumende kuti iunze zvizvarwa zveZimbabwe kumusha pachena.
Zimbabwe Exiles' Forum inokurudzira hurumende kuti iunze zvizvarwa zveZimbabwe kumusha pachena.

Sangano reZimbabwe Exiles Forum rinoti ririkushushikana zvikuru kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa, zvinoda kudzokera kumusha pamazuva ano anonzi vanhu vagare mudzimba pamusoro pechirwere che coronavirus, varikunzi vazvibhadharire mari dzemabhazi ivo vari pakati pekusashanda.

Vanoona nezvemafambisirwo emabasa musangano iri, VaTino Mambeu, vaudza Studio 7 kuti Zimbabwe Exiles Forum inokurudzira hurumende yeZimbabwe kuti itakure pachena zvizvarwa zve Zimbabwe zvinoda kudzokera kumusha.

Chikwata chekutanga chiri kutarisirwa kudzoserwa kumusha musi weChitatu.

Tatadza kubata muzinda weZimbabwe muSouth Africa, uyo uri kushanda nehurumende yeSouth Africa panyaya iyi, kuti vapindure zvataurwa neZimbabwe Exiles Forum.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG