Accessibility links

Breaking News

VaJonathan Moyo Voburitsa Pachena Rutsigiro Rwavo Kuna VaChamisa


VaJonathan Moyo
VaJonathan Moyo

Imwe nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika inoti haisi kushamiswa nemashoko akaiswa pa Twitter, nevaimbove gurukota muhurumende yaVa Robert Mugabe, Va Jonathan Moyo, avo vanonzi vari muhupoteri kuKenya.

Mumashoko avakaisa paTwitter yavo, VaMoyo vanoti vanotsigira MDC inotungamirwa naVa Nelson Chamisa, uye vakabatsira VaChamisa kutsvaga rutsigiro kuburikidza nekushambadza zvinyorwa nemavhidhiyo aikurudzira veruzhinji kuti vavhotere VaChamisa.

Bepanhau repadandemutande re New Zimbabwe.com raburitsawo nyaya yemashoko aVaMoyo ari paTwitter vachiti vane kodzero yekutsigira munhu wavanoda musarudzo.

Studio7 haina kukwanisa kubata VaMoyo kuti tinzwe divi ravo, kanawo mutauriri weMDC, VaDaniel Molokele.

Asi vamwe vanoti vari kushamiswa zvikuru nemashoko aVaMoyo, sezvo vari munhu aizivikanwa zvikuru nekurwisa MDC panguva iyo vaive gurukota raVaMugabe, avo vakashaya gore rapera mushure mekubviswa pachigaro nemauto muna Mbudzi 2017.

VaMoyo vakabva vabuda munyika vachityira hupenyu hwavo sezvo vaive vamwe vevanhu vainzi ndivo vainge vakakomberedza VaMugabe vachiita mabasa aiuraya nyika.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti VaMoyo ndivo munhu akaita kuti hurumende yaVaMugabe idzike mitemo yaiomesera vanopikisa hurumende, izvo zvakaita kuti nhengo dzeMDC dzakawanda, dzisungwe pamwe nekushungurudzwa nemapurisa.

Panguva yavaive gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaMoyo vakaisa mitemo yaiomesera vatori venhau nemakambani enhau akazvimirira, izvo zvakaita kuti mapepanhau akazvimirira atadze kushanda zvakanaka muZimbabwe.

Mumwe muongorori wezvematongerwo enyika, VaPromise Sande, vanoti veruzhinji vanofanirwa kugwarira kushandiswa nevakuru vakuru munyaya dzematongerwo enyika sezvo vanhu ava vasina mhandu kwehupenyu hwavo hwese.

VaSande vanoti vakuru vezvematongerwo enyika, kunyange vachivengana nhasi, hazvishamise vobatana mangwana kunyange hazvo vakakuvadzisa vatsigiri vavo munguva dzavairwira masimba.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG