Accessibility links

Breaking News

Vaive Varwiri veHondo yeRusununguko Voda Hutungamiri Hutsva Musangano Ravo?


Under pressure: Zimbabwean War Veterans leaders Chris Mutsvangwa (R), annd Victor Matemadanda (L)
Under pressure: Zimbabwean War Veterans leaders Chris Mutsvangwa (R), annd Victor Matemadanda (L)

Vamwe vakarwa hondo yerusununguko vanoti havasi kufara nehutungamiriri hwesangano ravo, reZimbabwe National Liberation War Veterans Association, uye vanoda kuti hutungamiriri wesangano iri hubviswe nekukasika kuti paitwe kongiresi yekusarudza hutungamiriri hunogadzisirisa matambudziko avakatarisana navo.

Vachitaura nevatori venhau vange vachitungamira chikwata ichi, VaEthan Matibela, vati sangano iri rakaumbwa kuti rigadzirise matambudziko evarwiri vehondo yerusununguko asi vakati hutungamitri huripo hauna hany’a navo.

Vati nekuda kwaizvozvo vave kuda kuti hutungamiriri huripo hubve pasarudzwe vatungamiri vatsva vanokwanisa kugadzirisa zvichemo zvavo.

VaMatibela vatiwo hutungamiriri wesangano ravo haufaniri kunge huchishanda nebato ripi zvaro rematongerwo enyika sezviri kuitka pari zvino vachiti varwiri vehondo yerusununguko vanofanira kunge vakasununguka kushanda nebato ripi zvaro ravanoda.

Vati sezvo sangano ravo rakanyoreswa pasi pebazi rehurumende rinoona nezvevashandi nekugara zvakanaka kwwevanhu, vakatoita musangano negurukota rebazi iri, VaPaul Mavhima, vakavaudza chichemo chichemo chavo.

VaMavhima vaudza Studio 7 kuti ichokwadzi kuti vakasangana naVaMatibela nevamwe vavo.

VaMavhima vatiwo vakaudza chikwata ichi kuti zvaka

kosha kusuma munyarikani mukuru wesangano iri kana kuti Patron nyaya yavo vasati vaita zvavari kuda kuita.

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ndivo Patron weZimbabwe National Liberation War Veterans Association.

VaChris Mutsvangwa ndivo sachigaro wesangano iri uye, VaVictor Matemadanda, ndivo munyori mukuru wesangano iri uye vari mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwenyika pamwe nevakarwira hondo yerusunguko.

VaMatemadanda vaudza Studio7 kuti havana zvavangataura zvakawanda vakati titaure nemunyori anoona nezvevarwiri vehondo yerununguko muZanu PF, VaDouglas Mahiya, avo vasina kubatika sezvo nharembozha yavo yange isiri kuita.

Vachitaura pamusangano wanhasi mumwe waVaMatibela, VaIgnatius Mutsinze, vati imwe nyaya isiri kuvafadza inyaya yekuti hurumende yave kuda kuripa varungu vakotorerwa minda. Vati vazhinji vavo havana minda iyo inove nyaya yavakaendera kuhondo.

Asi mumwe mugari wemuHarare, VaTabani Mlambo, vati varwiri vehondo yerusununguko vari kungochema havo asi vachipihwa zvese zvavanoda nehurumende.

Muna 1997 hurumende yakapa vaive varwiri vehondo yerusunguko madhora zviuru makumi mashanu pamunhu mumwe nemumwe semari yemudyandigere izvo zvakawisira hupfumi hwenyika pasi.

Pari zvino hurumende iri kuronga kudzika mutemo uchatungamidzwa varwiri vehondo yerusununguko panyaya dzekurima, hupfumi nezvimwe pamwe nekuti varapwe nekuti vana vavo vadzidze pachena.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG