Accessibility links

Breaking News

EU Yobatsira Kusimudzira Zvirongwa Zvinobata Nyaya dzeMitemo Munyika


EU logo
EU logo

Sangano reEuropean Union rapa mari inodarika mamiriyoni matatu emadhora kuti ishandiswe munyaya dzinobata mitemo.

Mari iyi ichashandiswa mukusimudzira mabasa ekuchengetedzwa pamwe nekuremekedzwa kwemitemo munyika, uye ichande iri muhomwe dzemasangano matatu akazvimirira.

Sangano reInternational Commission for Jurists richange rakabata homwe yemari ichashandiswa muzvirongwa zveJudicial Services Commission zvichasimbaradza kuremekedzwa kwemitemo pamwe nekuchengetedzwa kwekodzero dzemunhu wese. Zvirongwa izvi zvichaitwa kwemakore matatu.

Sangano reLegal Resources Foundation richabata homwe yemari ichashandiswa nesangano reChief's Council mukusimudzira ruzivo rwematare emadzishe, masabhuku,emasadunhu, pamwe nekuwanisa ruzivo vose vane chekuita nematare echivanhu. Zvirongwa izvi zvichaitwa kwemwedzi makumi matatu.

Sangano remagweta munyika, reLaw Society of Zimbabwe richabata homwe yemari ichashandiswa mukusimudzirwa kwemashandiro emagweta munyaya dzesarudzo pamwe nenyaya dzinobata bumbiro remitemo yenyika.

Mukuru wezvirongwa musangano re Abameli Human Rights Lawyers Network, VaTineyi Mukwewa, vanoti kunyange hazvo vasingatarisiri kushanduka kwezvinhu kukuru munyaya dzezvekodzero dzevanhu munyika, mari iyi ichabatsira zvikuru mukuedza kuchengetedza kodzero dzevanhu munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG