Accessibility links

Breaking News

Sangano reElection Resource Center Rinoti Mitemo yeSarudzo Inofanirwa Kuvandudzwa


President Emmerson Mnangagwa
President Emmerson Mnangagwa

Sangano rinoona nezvesarudzo rakazvimiririra reElection Resource Center (ERC) rinoti pose panoitwa sarudzo panofanirwa kutarisiswa kuti zvinochinjwa zvichinjwe kuitira kuti sarudzo dzinotevera dzigofamba zvakanaka.

ERC yataura izvi zvichitevera mashoko akataurwa nemutungami webato reZanu-PF, VaEmmerson Mnangagwa, avo vakaudza musangano wePolitburo yebato ravo nemusi weChitatu kuti kurudziro yekuvandudza mitemo yesarudzo iri kuitwa haina maturo.

VaMnangagwa vakati Zimbabwe yakaisa mubumbiro rayo remitemo zvese zvinodiwa neSADC panyaya dzesarudzo, vachiti bumbiro remutemo reZimbabwe ndiro rakanaka kupfuura mamwe ose munharaunda yeSADC.

Asi vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa musangano reElections Resource Centre, VaSolomon Bobosibunu, vaudza Studio 7 kuti mumashoko avo, VaMnangagwa vanoita sekuti havachatarisiri kuti pane zvingade kugadziriswa pamitemo yesarudzo dzemuZimbabwe, vachiti zvizhinji zvinofanirwa kugadziriswa.

Vachipindura mashoko aVaMnangagwa, VaBobosibunu vanoti nguva nenguva panoitwa sarudzo pane zvinhu zvinoda kuti zvigadziriswe kuti zvigozofamba zvakanaka musarudzo dzinotevera.

Vanoti Zimbabwe payakasheedza kuti madzisahwira azoona sarudzo dzemuna 2018 dzichiitwa, pane zvizhinji zvakabuda zvinofanirwa kugadziriswa, vachiti kana sarudzo dzikaitwa pachishandiswa mitemo yakashandiswa muna 2018 panogona kuita kumwezve kusawirirana uye nzira dzekugadzirisaa kusawirirana pane zvinenge zvabuda musarudzo dzisipo, izvo vanoti zvinokonzera kusagadzikana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG