Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vashoma Vanobayiwa Nhomba Muzuva rePiri muZimbabwe


Covid-19 Vaccine Chinhoyi DP COMM
Covid-19 Vaccine Chinhoyi DP COMM

Chirongwa chekubaya nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19
chapinda muzuva repiri vanhu vashoma vachizvipira kubayiwa.

Vanhu vatatu chete ndivo vabayiwa nhasi panzvimbo inochengeterwa
vasungwa muChinhoyi.

Vatatu ava vanosanganisira mutevedzeri wemukuru wemajeri munyika, Amai Christine Manhivi, mushandi wezvehutano mubazi rimwe chete pamwe nemutori wenhau webepa reHerald, Conrad Mupesa.

Vachitaura vapedza kubaiwa, Amai Manhivi vati vanotarisira kuti vasungwa vose vachabayiwa nhomba reCovid-19 muzvikamu zvinotevera.

Izvi zvatsigirwa nemukuru mubazi rezvehutano mudunhu reMashonaland
West, Dr Gift Masoja, avo vati zvakakosha kuti vasungwa vabayiwe nhomba.

VaMasoja vati vanhu vari kuzvipira kubayiwa nhomba vashoma zvikuru
vachiti vamwe vanhu vachiri kutya nekuda kwemashoko asina kunaka
anofambiswa pamadandemutande.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano uye vakambove gurukota rezvehutano
muhurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vati havashamiswe
nevanhu vashoma vari kuenda kunobayiwa nhomba sezvo vanhu vakawanda vasina chivimbo nenhomba iyi uye nezvinhu zvinobva kuChina.

Dr Madzorrera vati hurumende inofanirwa kunyatsoshambadza chirongwa
ichi ichitaurira vanhu nezvenyika dziri kushandisa mushonga uyu dzakaita seUnited Arab Emirates, Pakistan nedzimwe.

Nezuro vanhu vasingadarike zana vakabayiwa nhomba mudunhu rose
reMashonaland West iro riri kutarisira kuti vanhu zviuru gumi nechimwe chete vabayiwe mumazuva manomwe ari kutevera.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuti vanhu vangani vabayiwa nhasi mumatunhu madiki ose makumi matanhatu nemaviri ari munyika.

Asi huwandu hwevanhu vari kufa munyika nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchidzikira apo bazo rezvehutano rakazivisa nezuro kuti munhu
mumwe chete akafa nezuro izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa munyika pachiuru nezana nemakumi mana nemumwe chete kana kuti 1141.

Vanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika vave zviuru makumi matatu nezvishanu nemazana masere nemakumi matanhatu nevaviri kana kuti 35862 zvichitevera kubatwa kwevanhu makumi matanhatu nevatanhatu nezuro wakare.

Vanhu vanosvikawo zviuru makumi matatu nezviviri nemazana maviri ane
gumi nevatanhatu kana kuti 32 216 vapora kubva kuchirwere cheCovid-19
kunyange hazvo vanhu zviuru zviviri nemazana maviri nevashanu kana kuti 2205 vachiri kurwara nechirwere ichii munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG