Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yovimbisa Kugadzikana Mune zveMafuta Panguva iyo Magetsi ave Kunetsa muNyika


Gurukota rezvemhando dzemoto, Doctor Joram Gumbo.
Gurukota rezvemhando dzemoto, Doctor Joram Gumbo.

Gurukota rezvemhando dzemoto, Doctor Joram Gumbo, vanoti zvinhu zvave kuzogadzikana munyaya dzemafuta edzimotokari zvichitevera kuibva kwemari inosvika mamiriyoni makumi mashanu emadhora ekuAmerica yakapiwa makambani anopinza mafuta munyika kana kuti ma 'letters of credit'.

Doctor Gumbo vanoti kubva kupera kwesvondo rapera kusvika pari zvino, motokari dzinotakura mafuta dziri mubishi kumhanya nemafuta dzichidira mumagaraji emunyika.

Asi vanoti sezvo munyika manga mave negaha nechekare, zvinoda kanguva kakati kuti kuti vakwanise kudzora zvinhu pazvinofanirwa kunge zviri.

Ukuwo, vamwe vedzimotokari vaudza Studio 7 kuti zvinhu hazvisati zvave kuratidza shanduko, sezvo mitsetse ichiri kuwanikwa munyika yose.

Zvichakadaro, kambani yemagetsi yeZimbabwe Electricity Transmission and Distribution Company yazivisa nezvehurongwa hwekumbodzimwa kwemagetsi pane dzimwe nguva senzira yekuchengetedza magetsi mashoma ari kuwanikwa munyika.

Kumbodzimwa kwemagetsi uku kuchaitwa munyika yose panguva dzatarwa nekambani iyi.

Kambani yemagetsi iyi inoti yamanikidzwa kutora danho iri nekuda kwekuderera zvakanyanya kwemvura kudhamu rinogaiwa magetsi reKariba, pamwe nekudzikira kwemagetsi ari kugaiwa kugwenya remarasha reHwange Power Station.

Kambani iyi yatiwo rimwe dambudziko riri kukonzera kushaikwa kwemagetsi anokwana nderekushomeka kwemagetsi ari kutengwa kubva kunze kwenyika, zvikuru kuMozambique.

Magetsi achadzimwa kubva nenguva dzeshanu mangwanani kusvika nenguva dzegumi mangwanani, kuchizotiwo kubva nenguva dzeshanu manheru kusvika nenguva dzegumi usiku.

Doctor Gumbo vanoti hurumende iri kugadzirisa dambudziko remagetsi iri kuburikidza nekupa marezinesi kwayakaita kumakambani makumi matatu nemana anoshandisa simba rezuva kuti awanise nyika magetsi, uye kugadziriswa kuri kuitwa magwenya ekuHwange.

Hurukuro naDoctor Joram Gumbo
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mukuru werimwe sangano rinomirira vagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti vagari havasi kufara nenyaya yekumbodzimwa kwemagetsi iyi sezvo vanenge vakatobhadhara kare magetsi emwedzi wese.

VaShumba vanotiwo nyika haisati yave nezvikwanisiro zvekuti magetsi ezuva ave iwo nhungamiri munyaya dzemhando dzemoto, izvo zvichaita kuti ruzhinji rwuomerwe zvakanyanya.

Hurukuro naVaPrecious Shumba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG