Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanokunda Musarudzo yeMutungamiri weNyika


VaEmmerson Mnangagwa vaimirira zanu PF musarudzo.
VaEmmerson Mnangagwa vaimirira zanu PF musarudzo.

Mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vakunda musarudzo yemutungamiri wenyika mushure mekuwana mavhoti 2,460 463, izvo zvavapa zvikamu 50.8%, vachiteverwa naVaNelson Chamisa veMDC Alliance, avo vawana mavhoti 2,147 436 kana kuti 44.3% musarudzo yakaitwa nemusi weMuvhuro.

Izvi zvaziviswa mambakwedza emusi weChishanu nasachigaro veZimbabwe Electoral Commision, Zec, Amai Priscilla Chigumba, pavana vachiudza veruzhinji zvabuda musarudzo iyi vari muHarare.

Vatsigiri vebato reZanu PF vafara zvikuru vachipembera mushure mekukunda kwemutungamiriri webato ravo.

Vaive gurukota rinoona nezvemutemo muhurumende yapfuura, VaZiyambi Ziyambi, avo vange vakamirira VaMnangagwa musarudzo idzi kana kuti agent, vaudza Studio7 kuti vafara nekukunda kwaVaMnangagwa.

Vamwe vanoti vafara zvikuru ndiMuzvare Roselyn Shuro, avo vaudza Studio7 kuti vanoda kuti VaMnangagwa vachiunza shanduko munyika.

Asi MDC Alliance yati haitambiri zvabuda musarudzo sezvo pasina kutevedzwa mutemo wesarudzo.

Sachigaro weMDC-T inotungamirwa naVaChamisa, VaMorgan Komichi, vaudza Studio 7 kuti Zec haina kutevedza mutemo pakuzivisa zvabuda musarudzo idzi.

Mutauriri waVaChamisa, Doctor Nkululelo Sibanda naVaKomichi vamboedza kuvhiringa musangano weZec wekuzivisa zvabuda musarudzo uyu mushure mekunge vatanga kutaura kuvanhu, asi vazoburitswa nemapurisa nechisimba.

VaZiyambi vati zvaitwa naVaKomichi zvinonyadzisa asi vati hazvivashamisi nekuti MDC Alliance yakagara yataura kuti haitambiri zvinenge zvabuda musarudzo kana isina kukunda.

VaChamisa vakakunda VaMnangagwa zvine mutsindo muHarare umo vakawana mavhoti 548,889 - VaMnangagwa vachiwana mavhoti 204,710.

VaMnangagwa vakundawo VaChamisa zvine mutsindo kuMashonaland Central uko vawana mavhoti anosvika 366,785 - VaChamisa vachiwana mavhoti 97,097.

Matunhu akabuda seizvi:

Harare - VaChamisa 548,889; VaMnangagwa 204,704.

Masvingo - VaChamisa 171,196; VaMnangagwa 319,073

Mash East - VaChamisa 189,024; VaMnangagwa 334,617

Mash Central - VaChamisa 97,097; VaMnangagwa 366,785

Midlands - VaChamisa 255,059; VaMnangagwa 350,754

Manicaland - VaChamisa 296,429; VaMnangagwa 292,938

Bulawayo - VaChamisa 144,107; VaMnangagwa 60;168

Mat North - VaChamisa 137,611; VaMnangagwa 111,452

Mat South - VaChamisa 90,292; VaMnangagwa 107,008

Mash West - VaChamisa 217,732; VaMangagwa 312,958

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG