Accessibility links

Breaking News

VaRuhanya Vanoti VaMnangagwa Havana Kubata Mwongo weNyaya


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangangwa vachitura mashoko avo kumhuri yeZimbabwe, kana kuti SONA.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangangwa vachitura mashoko avo kumhuri yeZimbabwe, kana kuti SONA.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vatura mashoko avo kumhuri yeZimbabwe vachipa mamiriro akaita zvinhu, uye zvavanotarisira kuti zviitwe senzira yekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

Asi imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika, inoti mashoko avo haana kubata mwongo wematambudziko akatarisana nenyika.

Doctor Pedzisai Ruhanya, avo vari kuita zvidzidzo zvepamusorosoro paUniversity of Johannesburg ku South Africa, vanoti VaMnangagwa vangobatabata zvinhu zviri kunetsa muZimbabwe asi havana kuenda pamwongo kuti vatarise kuti zvinhu zvese zvri kunetsa zviri kukonzerwa nechii.

Doctor Ruhanya vanoti kunyange hazvo mutungamiri wenyika abata nyaya dzakawanda dziri kusangana nenyika, dzakafanana nekushaikwa kwemari mumabhanga, kushaikwa kwechikafu nezvimwe, havana kutaura kuti vachagadzirisa sei zviri kukonzeresa matambudziko aya.

VaRuhanya vanoti chikuru chinofanirwa kugadziriswa muZimbabwe inyaya yezvematongerwo enyika, iyo vanoti ndiyo dambudziko guru.

hurukuro naDoctor Pedzisayi Ruhanya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG