Accessibility links

Breaking News

Gukurahundi Yasvibisa Chimiro chaVaMnangagwa


Gukurahundi
Gukurahundi

Vamwe vanhu vari kumatanhu eMatabeleland vanoti mawoko aVaMnangagwa haana kuchena zvichitevera nhoroondo yavo munguva yeGukurahundi.

Mumwe murwiri wekodzero dzevanhu, Muzvare Nozipho Moyo, vati nekuda kwekuti VaMnangagwa ndivo vava kuitwa mutungamiri wenyika vanofanirwa kukasika kubuda pachena panyaya yeGukurahundi nekuti vanhu vakawanda vanoona vari mumwe wevanhu vane chekuita nenyaya iyi.

Vachipawo maonero avo, mutauriri webato reZAPU, VaIphithule Maphosa, vanoti zvakakosha kuti VaMnangagwa vabude pachena panyaya iyi kuitira kuti nyika iwane mukana wekutanga kugadzirisa dambudziko reGukurahundi.

Vatiwo veruzhinji havafanirwe kuisa maziso avo pana VaMnangagwa chete asiwo pana VaMugabe nehurumende yaivepo pamakore ekuma1980 apo pakaitika nyaya iyi.

Vachitaura kuvatapi venhau muBulawayo, murwiri wekodzero dzevanhu, VaPromise Mkhwananzi, vakati nyaya yeGukurahundi ndeimwe nyaya inofanirwa kutaurwa nezvayo nekukasika panguva iyo vanhu vari kutarisira kugadziriswa kwezvinhu mushure mehutongi hwehudzvanyiriri hwaVaMugabe.

Asi mutsigiri webato reZanu PF, VaMagura Charumbira, vanoti VaMnangagwa havana mhosva vachiti havangave ivo munhu angapomerwa mhosva panyaya iyi sezvo vaingove gurukota rehurumende.

Panguva yeGukurahundi vanhu vanosvika zviuru makumi maviri vakaurayiwa mumatunhu eMatabeleland neMidlands.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG