Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika VaMnangagwa Votarisirwa Kukumikidza Chirongwa Chekuwanisa Bulawayo Mvura


Chirongwa chekuwanisa guta reBulawayo muvra chiri kukumikidzwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.
Chirongwa chekuwanisa guta reBulawayo muvra chiri kukumikidzwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachiperekedzwa nemumwe wevatevedzeri vavo, VaConstantino Chiwenga nevamwe vakuru vakuru vehurumende, vakasvika muguta reBulawayo neCitatu manheru pamberi pehurongwa hwavo hwekukumikidza chirongwa chichawanisa guta iri mvura.

VaMnangagwa vari kutarisirwa kukumikidza chirongwa chekutora mvura kubva kuEpping Forest kuNyamandlovu, pamwe nekuparura chimwe chirongwa cheGwayi-Shangani, icho chichawanisa zvakare guta reBulawayo mvura kuburikidza nepombi dzemvura dzichange dzichitora mvura kubva kudhamu iri.

Basa rekuvaka dhamhu re Gwayi-Shangani rinonzi rakatotangwa kare, uye rinotarisirwa kunge rapera gore rinouya, kuchitiwo basa rekuisa pombi dzichatora mvura kubva kudhamu iri richinzi rinotarisirwa kutanga chero nguva.

Bepanhau reHerald rinoti chirongwa chedhamu nepombi dzemvura cheGwayi-Shangani ndechimwe chezvirongwa zvehurumende zvekuwanisa mvura kuguta reBulawayo, zviri pasi peNational Matabeleland Zambezi Water Project.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG