Accessibility links

Breaking News

Kudzingwa kwaVaMnangagwa Kounza Mutauro Mukuru Munyika


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Vamwe vevanga vachitsigira vaiva mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vatore matomhu kubva kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti havasi kutambira kudzingwa kwakaitwa VaMnangagwa.

Vachitaura nevatori venhau muHarare, sachigaro wesangano riri kuzvidaidza kuti Zimbabwe Youth Action Platform, VaTonderai Chidawa, vati havasi kutambira kudzingwa kwaVaMnangagwa vachiti vacharamba vakamira navo kudzamara vave mutungamiri wenyika.

Mumwe wechidiki ari muboka revana vevaimbova varwi muhondo yerusunguko reChildren of Zimbabwe War Veterans Association, VaKozanayi Mandipanga Chirigo, vati chiri kunetsa ndechekuti VaMugabe hapana matanho avari kutora kuchikwata cheG40 chavanotiwo chiri kuita kuti muZanu PF muite bvonda waponda matambiro ezvidhakwa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mutungamiri weMedia Centre, VaEarnest Mudzengi, vati VaMnangagwa vangatoumba bato ravo kana vachida kuramba vari mune zvematongerwo enyika.

Vaenderera mberi vachiti zvave pachena kuti VaMugabe vari kuda kusiira mudzimai wavo Amai Grace Mugabe chigaro.

VaMudzengi vatiwo hazvinyatsozivikanwa kuti VaMnangagwa vane rutsigiro rwakakura zvakadii kune vari muchiuto zvinganzi vari muchiuto vangarambe vakamira navo.

Mumwe wevatevedzeri waVaMorgan Tsvangirai, VaNelson Chamisa, vati vari kufara mekusagadzikana kuri muZanu PF panyaya yekudzingwa kwaVaMnangagwa.

Mumiriri weNorton muparamende, avo vaimbova sachigaro weZanu PF mudunhu reMashonalalnd West, VaTemba Mliswa, vati kana VaMnangagwa vakashanda nevemapato anopikisa VaMugabe vanogona kukundwa musarudzo.

VaMnangagwa, avo vakadzingwa basa naVaMugabe neMuvhuro, vanonzi vanga vachitungamira chikwata cheTeam Lacoste icho chinonzi change chichironga kutora matomhu kubva kuna VaMugabe kana vachinge vabva pachigaro, ukuwo Amai Mugabe vachinzi vari kutungamira chikwata cheG40.

Hatina kukwanisa kutaura naVaMnangagwa kuti tinzwe kuti vachaita sei zvichitevera kudzingwa kwavakaitwa basa.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG