Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotanga Zvakare Kugadzira Mabhazi


 Deputy Minister Mike Madiro (center)
Deputy Minister Mike Madiro (center)

Sangano rinomirira vemabhazi, reAmalgamated Bus Operators nemakambani eAVM Africa neQuest Motors nhasi vasainirirana chibvumirano chekuti makambani aya agadzire mabhazi muZimbabwe izvo zvinotarisirwa kupedza dambudziko rezvekufambisa rakatarisana neveruzhinji munyika.

Vachitaura mushure mekusaina chibvumirano ichi, sachigaro weAmalgamated Bus Operators, VaSamson Nanhanga, vati kugadzira mabhazi muno kuchaita kuti nyika ichengetedze mari yekunze pamwe nekuwanisa zviuru zvevanhu mabasa.

VaNanhanga vati mari yavange vachishandisa kutenga mabhazi kunze kwenyika ndiyo yavave kushandisa kugadzira mabhazi muno.

Mukuru wesangano reZimbabwe Passenger Transport Orgnaisation, VaFungai Makoni vaudza Studio 7 kuti vari kushandisa mari yekunze yakawanda kutenga mabhazi kunze kwenyika asi munyika muine hunyanzvi kwekugadzira mabhazi.

VaMakoni vati chirongwa ichi icho chichatanga mwedzi unouuya chinotarisirwa kupinza mabasa vanhu vanodarika zviuru makumi maviri nechimwe kana kudarika.

Vatiwo vanotarisira kunge vachigadzira mabhazi mazana mashanu pagore vachishandisa mamiriyoni manomwe kusvika kumamiriyoni gumi emadhora eku America pagore.

Vatiwo kugadzirwa kwemabhazi muno kuchaita kuti vakwanise kushanda nekambani yehurumende yeZUPCO iyo iri kukoka makambani akazvimirira kushanda nayo pakutakura vanhu mumaguta nekumaruwa.

Mutevedzeri wegurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaMike Madiro, vati hurumende iri kugadzirisa migwagwa yese munyika, vakakurudzira makambani aya kuti agadzirewo mabhazi akasimba zvekufamba kumaruwa.

Vanoona nekufambiswa kwemabasa musangano rePassenger Association of Zimbabwe, VaTafadzwa Goliati, vatambira zvaitwa nhasi nemufaro vachiti zvichabatsira veruzhinji zvakanyanya.

Munyori anoona nezvekutakurwa kwezvinhu muMDC Alliance, VaSettlement Chikwinya, vati sebato vanokurudzira zvikuru kuti makambani akazvimirira atanga mabasa anoita kuti munyika muve nemabasa.

Vanhu vakawanda munyika vakatarisana nedambudziko rekushaya zvekufambisa sezvo ZUPCO isina mabhazi akakwana.

ZUPCO inoti inoda mabhazi zviuru zviviri kuti ikwanise kuita basa rayo nemazvo asi pari zvino ine mabhazi mazana maviri nemakumi matanhatu nemaviri chete.

Makambani munyika akamira kugadzira mabhazi muna 1993 mushure mekunge hurumende yabvumira veruzhinji kupinza makombi matsaru munyika izvo zvakawisirawo ZUPCO pasi.

Pari zvino hurumende yakarambidza makombi nemamwe mabhazi kutakura vanhu kunze kwekunge achiita izvi ari pasi peZUPCO.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG