Accessibility links

Breaking News

Amai Elizabeth Tsvangirai Vanopa Vakweguri Chikafu neMbatya


Amai Elizabeth Tsvangirai
Amai Elizabeth Tsvangirai

Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika dzemu Africa mukucherechedza zuva re Africa Day vanhu vachiita zvirongwa zvakasiyana siyana.

Mukupembererera zuva reAfrica Day, mudzimai wemutungamiri weMDC, Amai Elizabeth Tsvangirai, vashanyira musha weBumhudzo Old People Home kuSt Mary’s Chitungwiza uko kwavanopa zvekudya, zvekupfeka nemachira kuvakweguri vanogara pamusha uyu.

Vachitenda Amai Tsvangirai nerubatsiro rwavapiwa, Gogo Betty Samombe, mumwe wevakweguri vanogara paBumhudzo, vati vane tarisiro yekuti nhamo yavo yezvekudya yombotapudzika.

Amai Tsvangirai, avo vakakurira mumusha we St Mary’s, vatiwo nekuda kwekuondomoka kuri kuita hupfumi hwenyika, vanhu vazhinji vari kutambura.

Amai Tsvangirai vatiwoshuviro yavo ndeyekuti vanhu vasaise zvematongerwo enyika mukati munyaya dzekubatsira vanoshaya.

Amai Tsvangirai vakurudzira kuti vanhu varangarire kwavakakurira vakati machechi ane mukurumbira abatsirewo veruzhinji vari kutambura.

Vanotungamirira Bumhudzo Old People’s Home, Major Cynthia Nyaruberu, vati vakatarisana nematambudziko akasiyana-siyana nekuda kwemamiriro ehupfumi.

Amai Nyaruberu vati pamusoro pedambudziko rezvekudya, Bumhudzo, iyo yakavakwa gore ra1974, yasakara zvikuru zvokuti vanotoda kubatsirwa kunatsurudza nzvimbo iyi.

Musha weBumhudzo une vakweguri makumi matatu nemumwe, uye mukurisa aripo ane makore zana nemashanu.

Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, rinoti zuva re Africa Day izuva rekucherechedza magamba akarwira kusunungura dunhu re Africa, iro rakatarisana nehudzvanyirira munguva iyo vanhu vachiti vakazvisunungura.

MDC inoti mukurangarira zuva ranhasi, pane mufaro pamwe nekusuwa kuri muvanhu vemuAfrica.

Bato iri rati Africa ine hupfumi hwakanyanyisa, asi zvinoshamisa ndezvekuti Africa ine vanhu varombo vakawanda, avo vanorarama nemari iri pasi pedhora pazuva.

Bato iri rapedzisira richiti Africa inofanirwa kubatsira Zimbabwe kuti iite sarudzo dzakachena gore rinouya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG