Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Vanofa Mutsaona yeMumigwagwa


Vanhu gumi nemumwe vakafa neChina vamwe makumi manomwe nevanomwe vakakuvara mutsaona yemumigwagwa.

Mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, vakaudza ZBC kuti vatyairi mazana maviri nemakumi matanhatu nevanomwe vakasungwa nemhosva dzakasiyana siyana dzemumigwagwa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuti nhasi kune tsaona ngani dzaitika.

Imwe nhengo yebhodhi yeTraffic Safety, VaClifford Gobo, vanoti kunyange hazvo zororo reEaster ratanga zvakaipa, vane tarisiro yekuti vanhu vachazvibata mumigwagwa.

“Mapurisa hatina kunyanya kuvawanza. Kare maiona mapurisa akawanda asi ikozvino vashoma uye arikubatsira vanhu achivadzidzisa pamwe chete nemasoja.”

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG