Accessibility links

Breaking News

Masangano eZESN ne ERC Okuridzira ZEC Kubata Nyaya yeGakava Riri muMDC Zvine Hungwaru


Khuphe Tsvangirai Chamisa
Khuphe Tsvangirai Chamisa

Masangano anoongorora sarudzo muZimbabwe, eZimbabwe Election Support Network (ZESN) pamwe neElection Resource Centre (ERC) anoti dai Zimbabwe Electoral Commission (ZEC) yambomisa hurongwa hwekudoma vanhu vachapinda muparamende pazvinzvimbo zvenhengo gumi neshanu dzeMDC Alliance dzisangavhoterwe, kana kuti Propotional Representation, dzakadzingwa muparamende neMDC-T kudzamara nyaya dzezvikwata zviviri izvi dziri kumatare dzapera.

Masangano aya atora danho iri zvichitevera danho rakatorwa neZEC iyo yakaburitsa zviri pamutemo mazita evanhu gumi nevashanu vari kutarisirwa kutora zvigaro zvakasiyiwa nenhengo dzeMDC Alliance.

Sachigaro veZESN, VaAndrew Makoni, vanoti zvakakosha kuti dai ZEC yambomira hurongwa uhwu dzamara nyaya dziri kumatare dzapera.

Izvi zvatsinhirwawo naVaTakunda Tsunga avo vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa musangano re Election Resource Centre.

VaTsunga vanoti semaonero avo hurongwa uhwu hunofanira kumiswa hozonederera mberi kana zvikwata zveMDC zvapedzerana mumatare edzimhosva.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vati vakakashamiswa chose nemazita akaburitswa neZEC vachiti nhengo dzavo dzakadzingwa ndidzo dzinofanira kudzorerwa muparamende.

Vakurudzira nhengo dzebato ravo munyika yese dzinyorere kuZEC dzichiramba mazita akaburitswa neZEC.

Asi munyori mukuru muMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vaudza Studio 7 kuti mutemo uri pachena nekuti bato rabvisa vanhu muparamende ndiro rinodoma vanhu vanotora zvigaro zvacho.

Pataenda pamhepo mukuru anoona nezvesarudzo muZEC, VaUtoile Silaigwana, vange vasati vapindura mibvunzo yedu.

Asi mumwe mushandi mukuru asina kuda kudomwa nezita rake sezvo asingabvumidzwe kutaura nevatori venhau, audza Studio 7 kuti ZEC inokwanisa kumisa hurongwa uhwu chete kana ichinge yaudzwa kuti imire kuita izvi nematare idzimhosva chete.

Ati pari zvino hapana mutongo wedare unorambidza ZEC kudoma vanhu vachatora zvigaro zvevanhu vakadzingwa muparamende neMDC-T.

Vakafanobata chigaro chemutungamiri weMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe, vanotarisirwa kutora chigaro muNational Assembly, uye mutauriri wavo, VaKalpani Phugeni vachaenda kuSeneti.

Vamwe vachapinda vakanyoreswa zviri pamutemo neZEC vanosanganisira Yvonne Winfielda Musarurwa, Lindani Moyo, January Sawuke, Memory Munochinzwa, Lwazi Sibanda, Sipho Mokone, Molly Dorothy Ndlovu, Tamani Moyo, Gertrude Moyo, Piniel Denga, Chief Ndluvu, Nomalanga Khumalo naTeti Chisorochengwe.

Muchiziviso chavo muGovernment Gazette, sachigaro weZEC, Justice Priscilla Chigumba, vakati vose vanopikisa chiziviso chavo, vanofanira kuendesa nhunha dzavo kuZEC musa 4 Gunyana usati wapfuura.

ZEC haisati yadoma mazuva achaitwa maBy-Election ekusarudza vanhu vachimirira maConstiuency ane nhengo dzakadzingwa.

ZEC, sezviri kuita mamwe mapazi ehurumende, iri kutevedza mutongo wakapihwa neSupreme Court wekuti Muzvare Khupe ndivo vanofanirwa kufanobata chigaro chemutungamiri weMDC kudzamara bato iri raita Extraordinary Congress yekutsvaka munhu anotsiva muchakabvu, VaMorgan Tsvangirai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG