Accessibility links

Breaking News

Zec Yomanikidzwa Kubuda Pachena Mashandisiro Ayakaita Mari Muna 2018


Priscilla Chigumba, Zimbabwe Electoral Commission chairperson
Priscilla Chigumba, Zimbabwe Electoral Commission chairperson

Masangano anoongorora nyaya dzesarudzo munyika anoti haasi kufara nekusabuda pachena zviri pamutemo kuri kuitwa neZimbabwe Electoral Commission, Zec, pamashandisiro airi kuita mari dzehurumende kubva muna 2018.

Masangano aya anoti Zec inofanirwa kutevedzera mitemo yenyika kuburikidza nekuzivisa mashandisiro ayinenge yaita mari dzainopihwa nehurumende.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa muElection Resource Centre, VaSolomon Bobosibunu,vati vari kushushikana zvikuru nekutadza kweZec kuendesa mabhuku anoratidza mashandisiro ayakaita mari kubazi raAuditor General kwemakore maviri.

VaBobosibunu vati nepamusana pekuto Zec iri kutadza kutevedzera zvinodiwa nemitemo yemari yehurumende, makomiti eparamende anoona
nezvekushandiswa kwemari yehurumende anofanirwa kuongorora nyaya iyi zvakasimba.

Sachigaro weZimbabwe Election Support Network, VaAndrew Makoni, vatiwo Zec inofanirwa kutevedza zviga zvinodiwa
mukushandisa mari yainenge yapihwa.

VaMakoni vati Zec inofanira kuzivisa mari yayakapihwa musarudzo
dza2018 kuti yakaishandisa sei.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vatiwo kusabuda pachena kweZec kuti yakashandisa seyi mari muna 2018, mucherechedzo wekuti yakashandiswa nebato reZanu PF mukubira sarudzo dzakaitwa gore iri.

Mutauriri weNational Constitutional Assembly, VaMadock Chivasa, vatiwo Zec inofanirwa kuita zvinhu pajekerere kwete kuhwandisa mabhuku ayo ezvemari izvo zvinozotorwa sekuti pane zvairi kuhwandisa kuruzhinji rwenvanhu.

Asi mutauririri webato reZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, vati bato ravo
harineyi nemabasa anoitwa neZec vachiti bato ravo raingokwikwidzawo
semamwe mapato mugore ra2018 rikakunda.

Kunyunyuta uku kunotevera gwaro rakaburitswa naAuditor General iro rinoratidza kuti Zec ndiyo chete komisheni yakatadza kupa huchapupu hwemafambisiro ayakaita mari yayakapihwa nehurumende mugore ra 2018 negore ra2019.

Muna Chivabvu 2018, Zec yakazivisa kuti yakange iine mamiriyoni zana nemakumi mapfumbamwe nemasere emadhora ekuAmerica, kana kuti US$198 million yekufambisa sarudzo.

Studio7 haina kukwanisa kubata sachigaro weZec, Amai Priscilla Chigumba, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Asi mutauriri weZec, VaQhubani Moyo, vati zvimwe zvakaburitswa
mugwaro raAuditor General hazvisi chokwadi vachiti vakaendesa magwaro
ekufambisa kwavakaita mari mugore ra2018.

Asi VaMoyo vati vakatadza kuendesa magwaro egore ra2019 sezvo
vaigadzirisa zvaidikanwa nemanyorerwo matsva anofanirwa kuitwa.

Gwaro rakaburitswa naAuditor General rinoratidza kuti ZEC ndiyo chete komisheni yakatadza kupa huchapupu hwemafambisiro ayakaita mari yayakapihwa nehurumende mugore ra 2018 negore ra2019.

Mugore ra2018, Zec yakapihwa mazana maviri negumi nemanomwe emamiriyoni emadhora ekuAmerica.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG