Accessibility links

Breaking News

ZEC Inoti Haina Vanhu Vari Muchiuto Vanoishandira


zec
zec

Sangano rinoona nezvesarudzo reZimbabwe Electoral Commission rinoti harina vanhu vari muchiuto vari kushandira ZEC, riri kushanda zvakanyanya kuti riite sarudzo dzakachena.

Vachitaura vakamiririra sachigaro wekomisheni iyi, imwe nhengo yeZEC,Amai Joyce Laetitia Kazembe, vati pavashandi vavo, zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana, vanhu vakamboshanda muchiuto nekuchipurisa vakasiya basa iri vasati voshandira ZEC.

ZEC inotiwo yakazvipira kuona kuti nyika yaita sarudzo dzisina mutauro gore rino.

Amai Kazembe vakurudzirawo vanhu kuti varambe vachindonyoresa kuvhota kunzvimbo dzeZEC dzakavhurwa.

Amai Kazembe vati pane vamwe vanofunga kuti sezvo kunyoreswa kwechimbichimbi kwakapera, ZEC yakabva yavharawo zvekunyoresa vanhu.

Amai Kazembe vatiwo kunetsana pari zvino kuri mumapato ezvematongerwo enyika kuchagadziriswa nemapato aya pachawo.

ZEC yatiwo pane vakanyoresa kuvhota huye vaongororwa kuti hakuna vakanyoresa kakawanda, zvikamu makumi matatu nechidimbu kubva muzana, ndevechidiki vari pakati pemakore gumi nesere nemakumi matatu nemana.

Vati madzimai ndiwo akawanda pavanhu vakanyoresa vachiita zvikamu zvinoda makumi mashanu nezvina nechidimbu kubva muzana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG