Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, yaramba mashoko ari mugwaro riri kutenderera pamadandemutande ekuti yakatara musi wa 23 Kubvumbi 2022 sezuva ringangoitwa sarudzo dzema by-elections dzeparamende pamwe nemakanzuru.
Mukuru anoona nezvesarudzo kana kuti Chief Elections Officer veZEC, Va Utoile Silaigwana, vaudza Studio 7 kuti mashoko aya handi echokwadi vakati tibate mutauriri weZEC, Commissioer Kzembe kuti tinzwe zvizhinji, asi takundikana kuvabata.
Gwaro riri kutenderera iri rakanyorwa pabepa reZEC, asi harina kuiswa runyoro kana kuti kusainwa kana kudhindwa neboka rinoona nezvesarudzo munyika iri.
Asi mamwe masangano pamwe nevanhuwo zvavo vanga vatoratidza mufaro mukuru kwazvo nemashoko ekuti sarudzo idzi dzingangoitwa gore rinouya, vachiti kushaikwa kwevamiriri mumatare eparamende pamwe nemumakanzuru kuri kudzorera shure mabasa ebudiriro mumatunhu asina vamiriri.
Mabasa ose ane chekuita nesarudzo akambomiswa muna Kurume 2020 senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.
Matunhu akawanda akasara asina humiriri zvichitevera kudzingwa kwedzimwe nhengo dzeparamende nekanzuru nebato reMDC-T dzichinzi dzakasiya bato iri dzichienda kuMDC Alliance, uyewo kushaya kwedzimwe nhengo.
Zvigaro makumi maviri nezvisere zveparamende hazvina vamiriri kuchitiwo zvimwe zana nezvishanu zvemakanzuru zvisinawo humiriri.
Vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa musangano re Elections Resource Centre, VaSolomon Bobosibunu, vanoti dai gwaro iri ranga raburitswa neZEC zviri pamutemo changa chiri chinhu chakanaka chose kuti sarudzo idzi dzichiitwa sezvo kunonoka kwadzo kuri kutotyora kodzero dzevanhu dzavanopiwa nebumbiro remitemo yenyika.
Facebook Forum