Accessibility links

Breaking News

Zec Inoramba Kuti Yachinja Mavhotero Achaita Vanhu Musarudzo


Sachigaro veZEC, Priscilla Chigumba
Sachigaro veZEC, Priscilla Chigumba

Masangano anoona nezvesarudzo munyika pamwe nemapato ezvematongerwo enyika ari kushoropodza hurongwa hweZimbabwe Election Commission, Zec, hwekushandura mavhotero evanhu muasarudzo dzegore rino.

Zec iri kuzivisa mudzidziso yairi kuita nenhengo dzemapato ari kukwikwidza kuti polling booth richange riri pamberi pevanenge vachivhotesa danho riri kurambwa nevakawanda.

Masangano nemapato aya anoti munhu ari kuvhota anofanirwa kuenda kunzvimbo yekuvhotera, polling booth, inenge iri kuseri sezvagara zvichiitwa musarudzo dzose dzekumashure.

Asi Zec inoti iri kuita izvi kuti vadzivirire vanhu vanenge vachida kutora mifananidzo yebepa ravanenge vavhotera.

Mukuru weZec mudunhu reMashonaland West VaAustin Ndlovu vanotsanangura.

VaNdlovu vanoti vakatora danho iri kuchengetedza vhoti yemunhu kana apedza kuvhota sezvo pasina munhu anobvumira kuziva panenge pavhotera mumwe munhu.

Mukuru anoona nezvesarudzo mubato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa mudunhu reMashonaland West, VaTawanda Chigumo, vanoti kuvhota munhu akapira musana vanhu zvinokwanisa kuti munhu afunge kuti pane ari kudongorera.

VaChigomo vanoti zviri kuita Zec imwe nzira yekuti vanhu vatye uye kuti vavhotere pavasingade.

Sachigaro weZimbabwe Election Support Network, VaAndrew Makoni, vanoti zviri kuitwa neZec kukanganisa kukuru kuchavhiringidza vavhoti sezvo vanenge vasina chivimbo nevanhu vanenge vari kumashure kwavo.

Mukuru weElection Resource Centre, VaTawanda Chimhini vanotiwo zviri kuita Zec mucherechedzo wekuti mhandu hombe kusarudzo dzakachena ibazi reZec.

VaChimhini vanoti apo pasi rose riri kuedza neparinogona napo kuti vhoti yemunhu isazivikanwa nemumwe munhu, Zec iri kushingaira kuti vhoti yemunhu ive pachena.

Sangano reZec riri kuendeswa kumatare nemasangano akasiyana uye mapato anopikisa richinzi riri kutadza kubata sarudzo samutongi gava.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG