Accessibility links

Breaking News

ZEC Yokoka Vanoongorora Sarudzo Kuti Vanyorese neKomisheni Iyi


Komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, iri kukoka masangano ese anoda kuongorora sarudzo dzemaby-elections musi wa26 Kurume kuti anonyoresa nekomisheni yavo musi wa22 Kurume usati wasvika.

Muchiziviso chayo, ZEC yati vanoda kuongorora sarudzo idzi kubva kumasangano emuno pamwe nevatori venhau kubva kumakambani emuno vachabhadhara madhora gumi ekuAmerica pamunhu kana mari inoenderana nemaRTGS pachishandiswa mari yepamusika weReserve Bank of Zimbabwe,

Vanoda kuongorora sarudzo idzi vachibva kunyika dzemuAfrica vachabhadhara madhora makumi maviri ekuAmerica uye vanobva kunze kweAfrica vachabhadhara madhora zana ekuAmerica.

ZEC inoti vanoda kuongorora sarudzo idzi kubva kumizinda yenyika dzekunze iri munyika vachabhadhara madhora makumi mashanu eku America, iyi ndiyowo mari ichabhadharwa nevatori venhau vanoshandira makambani ekunze kwenyika.

Mukuru mutauriri wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, iro rine nhengo dzakawanda dzine mvumo yekuongorora sarudzo kubva kuZEC, VaObert Masaraure, vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti sarudzo idzi dziongororwe nemasangano akavimirira.

Asi vati zvakakosha kuti mari yekuongorora sarudzo ideredzwe kuitira kuti wese anoda kuongorora sarudzo akwanise kuita izvi.

ZEC yazivisawo kuti pane masangano akazvimirira makumi manomwe nematanhantu akapihwa mvumo yekuongorora sarudzo idzi.

Masangano aya anosanganisira Election Resource Center, Passenger Association of Zimbabwe , Zimbabwe Voters Association, Catholic Commisssion for Peace and Justice, Simukai Rural Residents Trust nemamwe.

Musi wa26 Kurume pachaitwa sarudzo dzekuzadzisa zvinzvimbo makumi maviri nezvisere muNational Assembly mushure mekunge vaive nezvinzvimbo izvi, vafa kana kudzingwa basa.

Pachaitwawo sarudzo yekuzadzisa zvigaro zana negumi nezvinomwe mumakanzuru akawanda munyika

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG