Accessibility links

Breaking News

ZEC Yopa Vanoda Kukwikwidza Mapepa eKunyoresa


Zimbabwe Electoral Commission
Zimbabwe Electoral Commission

Apo mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakatara zuva richaitwa sarudzo, vakatarawo kuti dare rekutambira magwaro evanoda kukwikwidza musarudzo idzi richagara musi wa14 mwedzi uno munzvimbo dzakasiyana siyana nyika yese.

Komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission (ZEC) nezuro yakabva yatanga kupa vanoda kukwikwidza musarudzo idzi maNomination Forms.

Sachigaro weZEC, Justice Priscillar Chigumba, vanoti vanoda kupinda musarudzo idzi vanokwanisa kutora maNominations Forms kumahofisi avo mumatunhu ese munyika kana kutora mafomu aya padandemutande reZEC.

Vanoti zvinobvumidzwa pamutemo kuti vanhu vatore mafomu aya voasaina vobva vaaendesa kumahofisi eZEC vachimirira musi wa14 Chikumi.

VeZEC vachishandisa mutemo wesarudzo ndivo vanotara zvinodiwa kuti munhu anonyorese kuti akwikwidze musarudzo.

Nyanzvi munyaya dzemutemo, zvakare vari murairidzi paUniversity of Zimbabwe, muzvinafundo Lovemore Madhuku vanoti Nomination Court idare rinotambira mazita evanhu vanenge vachida kukwikwidza richitevera zvinenge zvakatarwa neZEC.

Vanokokera nhengo dzeMDC T inotungamirirwa naVaNelsson Chamisa muparamende zvakare vari gweta, VaInnocent Gonese, vanoti munhu haagoni kunyoresa kuti akwikwidze musarudzo ingave yemutungamiriri wenyika, dzeparamende kana kanzuru kana asiri mugwaro revavhoti.

Mutungamiriri webato reMultiracial Christian Democrats zvakare vari mukomiti yeMDC Alliance, VaMathias Guchutu, vanoti komiti yavo yave kutodzidzisa vese vachamirira mubatanidzwa uyu zvichitevera kudomwa kwezuva resarudzo.

VaTonderai Makaniwa vebato reZimbabwe Word of Yahwe Expression vaudza Studio7 kuti vave kuziva zvizhinji zvinoda kuti munhu akwanise kunyoresa kuti akwikwidze musarudzo uye vamirira kuti ZEC ivazivise mari dzinoda kubhadharwa.

Hatina kukwanisa kunzwa kune veZEC kuti tinzwe kuti vati vatara here mari dzichabhadharwa nevanoda kukwikwidza musarudzo.

Panyaya iri kutaurwa nevazhinji munyika yekuti pane vamwe vanhu vakakunda musarudzo dzemaprimary emapato akasiyana siyana vakambosungwa vakavharirwa mumajeri, VaMadhuku vati pamutemo vanhu ava vanobvumidzwa kupinda musarudzo.

Sachigaro veElections Resource Centre, VaTrust Maanda, vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti vemapato ezvematongerwo enyika vatevedze zvese zvinodiwa pamutemo wesarudzo zvikurusei panyaya yeNomination Court.

Mutemo wesarudzo uchangobva mukusandurwa unosungirawo kuti vachakwikwidza vasaine chisungo chekuti havazokonzeri mhirizhonga musarudzo uye vachatevedza mutemo wesarudzo kuti dziitwe murunyararo.

VaMnangagwa vakati Nomination Court yetambira mazita evachakwikwidza sarudzo yemutungamiriri wenyika ichagara muCourt A paHigh Court muHarare.

MaNomination Court ekutambira mazita enhengo dzeparamende achagara mumatare amajisitereti ematunhu ese gumi munyika kozoti emakanzuru achagara pamizinda yemakunzuru ese emumadhorobha nemaruwa.

Zvese izvi zvichaitwa kutanga nenguva dza10 mangwanani kusvika nenguva dza4 masikati musi wa14 Chikumi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG