Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Electoral Commission Yokuridzirwa Kushambadza Zvakadzama Nzvimbo dzeKunyoresa Kuvhota


Zimbabwe Votes Banner
Zimbabwe Votes Banner

Masangano anoongorora sarudzo munyika anoti nzvimbo dzekunyoresa kuvhota dzinosvika mazana mapfumbamwe dziri kuvhurwa neZimbabwe Electoral Commission, ZEC, dzinofanirwa kushambadzwa zvakanyanya kuitira kuti vanhu vazive kwekunonyoresa.

.Mukuru wezvekufambiswa kwemabasa musangano rinoongorora sarudzo
reElection Resource Centre, VaSolomon Bobosibunu, vati vanogashira
kuwedzerwa kwenzvimbo dzekunyoresa kuvhota vachiti vanhu vanga
vachifamba mitunhu yakakura kusvika makiromita anodarika zana
kunedzimwe nzvimbo.

VaBobosibunu vanoti kungowedzera nzvimbo dzekunyoresa kuvhota chete
hazvina kukwana, vachiti mamwe mapazi ehurumende akaita serezvitupa nemamwe, anofanirwa kushanda pamwe chete neZEC nekuti munhu anogona kunyoresa kuvhota kana aine chitupa.

Sachigaro werimwe sangano rinoongorora sarudzo reZimbabwe Election Support Network, VaAndrew Makoni, vatiwo ZEC inofanirwa kushambadzira zvakakwana nzvimbo dzekunyoresa kuvhota idzi.

Mukuru anoona nezvesarudzo mubato rinopikisa reMDC Alliance, VaIan
Makoni, vatiwo nzvimbo idzi hadzifanirwe kunge dziri kumwe chete
uye ZEC inofanirwa kuzivisa kuti ichatanga riini nekuti kutaura pasina zvairi kuita hapana zvazvinobatsira .

Mutauriri werimwe bato rinopikisa reNational Constitutional Assemby,
VaMaddock Chivasa, vati ZEC inofanirwa kufambirawo vanhu munzvimbo
dziri kure kuitira kuti vakwanise kunyoresa.

Hatina kunzwa divi reZEC kuti ichatanga riini uye kuti nzvimbo idzi
dzichange dzakawandira kupi sezvo mutauriri weZEC, VaUtoile Silaigwana
vati titaure naAmai Joyce Kazembe asi vanga vasinga davire
mbozhanhare yavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG