Accessibility links

Breaking News

Zec Inoti Icharanga Vose Vanotyora Mitemo yeSarudzo


ZEC Chairperson Priscilla Chigumba

Zimbabwe Electoral Commission, kana kuti Zec, inoti ichatorera matanho akaomarara vanhu vose vachawanikwa vachityora mitemo yesarudzo munguva yekutsvaga rutsigiro rwesarudzo dzichaitwa muna Kurume.

Vachitaura nezuro pakupera kunyoreswa kwemazita eavanhu vachakwikwidza musarudzo dzema by-elections muChinhoyi, mukuru weZec mudunhu reMakonde, VaShepherd Kawocha, vakati yasvika nguva yekuti komisheni yavo iratidze kuti inoranga vose vasingatevedzeri mitemo yesarudzo.

VaKawocha vakati Zec icharanga nekuburitsa musarudzo kana kubhadharisa mari yefaindi vose vachatyora mitemo yesarudzo pavanenge vachitsvaga rutsigiro.

VaKawocha vakakurudzira avo vari kukwikwidza musarudzo idzi kuti vatsvage rutsigiro murunyararo. Vakatiwo vanoshuwira kuti nerimwe zuva vachaona vemapato akasiyana vachitsvaga rutsigiro vari pamwe chete pasina kurwisana sezvinoitika kune dzimwe nyika.

Zvichakadaro, bato reMDC Alliance rakatadza kuisa vanhu vachakwikwidza mumawadhi mana pama wadhi matanhatu ari kukwikwidzwa muChinhoyi.

Nhengo yeMDC Alliance iyo yakakwanisa kuisa mapepa ekukwikwidza muwadhi 2, VaWillie Nyambe, vanoti dzimwe nhengo dzavo dzakatadza kunyoresa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

VaNyambe vanoti vamwe vakanga vaisa mapepa avo vakazoabvisa nekuti vakanga vakwezwa kubato raVaNelson Chamisa reCitizens Coalition for Change vamwe vachiti vave nezvakawanda zvekuita.

VaNyambe vanoti pane nhengo dziri kuita setsukukuviri dzichiita sedziri kubato ravo asi dzichienda nerweseri kubato reCCC.

Asi imwe yenhengo idzi, VaClemence Dhumba, vabvuma kuti vakaenda kubato reCCC mumazuva mashoma apfuura sezvo vagara vachinzi mutengesi nekuti vaitaura nenhengo idzi.

MDC Alliance yakatadzawo kuisa nhengo dzinokwikwidza munzvimbo dzinoti Harare, Masvingo, Manicaland, Mashonaland Central, Matebeleland North neMatebeleland South.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri weMDC Alliance, VaWitness Dube, kuti sei munzvimbo idzi bato ravo rakatadza kuisa nhengo dzinokwikwidza sezvo mbozhanhare yavo yanga isingadavirwe.

Bato reZanu PF rinoti rakachinja munhu ari kurimirira muwadhi 2 richiti Muzvare Ruth Chikukwa, avo vainge vasarudzwa pama primary ebato iri, vainge vaine nyaya dzakawanda dziri kumatare edzimhosva ndokubva ravatsiva naVaMike Yasini, avo vakakundwa musarudzo naMuzvare Chikukwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG