Accessibility links

Breaking News

Chirongwa che ZEC, Chekuongorora Mazita muGwaro reVavhoti Chinosvika Kumagumo


Vanhu vachinyoresa kuvhota musarudzo dzegore rino.
Vanhu vachinyoresa kuvhota musarudzo dzegore rino.

Chirongwa cheZimbabwe Electoral Commission, ZEC, chekuti vanhu vaongorore mazita avo mugwaro revavhoti pamwe nekuti vasina kunyoresa pekutanga vanyorese kuvhota munzvimbo dzakanga dzasaririra, kana kuti mop-up, chasvika kumagumo vanhu vanosvika mamiriyoni mashanu vachinzi vakakwanisa kuongorora mazita avo.

Bepanhau reThe Herald rinoti ZEC yakazivisa kuti kusvika pakupera kwezuva neMuvhuro, vanhu vanoda kusvika mamiriyoni mashanu vakanga vaongorora mazita avo kuburikidza nekushanyira mahofisi esangano iri, kana kushandisa nharembozha dzavo.

Sachigaro veZimbabwe Election Support Network, ZESN, VaAndrew Makoni, vanoti chirongwa ichi chakanga chakanaka kwazvo sezvo chakawanisa vanhu mukana wekuti vaone kana mazita avo aive mugwaro revavhoti.

Asi VaMakoni vanoti nguva yacho yemazuva gumi nerimwe kubva musi wa 19 kusvika musi wa29 Chivabvu, ipfupi zvikuru.

Vanotiwo vamwe vakashandisa mukana weongorora mazita avo pamadandemutande vanogona kuzosangana nedambudziko musi wekuvhota vazoona kuti zvimwe hazvisi kuwirirana, sezvo zvakaita semifananidzo zvakanga zvisingabudi pamashoko aitumirwa panharembozha.

Chimwe chavanoti chinoda kutarisiswa neZEC inyaya yekuti kuchine vanhu vakawanda vachiri kuda kunyoresa kuvhota, sezvavakaona neMuvhuro kuti vanhu vaitove mumutsetse wekunyoresa, nekudaro ZEC inofanirwa kuwedzera nzvimbo dzekunyoresera.

Hurukuro naVaAndrew Makoni
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG