Accessibility links

Breaking News

Chirongwa cheKunyoresa Kuvhota Nyika Yose Chotanga Zvakare Svondo Rinouya


ZEC inoti chirongwa chekunyoresa kuvhota munyika yose chichatanga zvakare svondo rinouya.
ZEC inoti chirongwa chekunyoresa kuvhota munyika yose chichatanga zvakare svondo rinouya.

VeZimbabwe Electoral Commission (ZEC) svondo rinouya vachatanga chirongwa chekunyoresa vanhu vese vakasarira pakaita chirongwa cheBiometric Voter Registration Blitz icho chakapera mwedzi wapfuura.

Kunyange hazvo vakuru veZEC pamuzinda wekomisheni iyi muHarare vange vasiri kudaira mafoni avo, mukuru anoona nezvesarudzo mukomisheni iyi mudunhu reMashonaland West, VaAustine Ndhlovu, vaudza Studio 7 kuti chirongwa ichi chiri kuitwa chichitevedza nzvimbo dzine vanhu vakazopihwa zvitupa pachena nemahofisi emabharani mukuru wehurumende Registrar-General chirongwa cheBlitz chadarika.

VaNdhlovu vatiwo chirongwa ichi chiri kuitwa kugadzirisa zvichemo zvevaye vane vabereki vanobva kunze kwenyika avo vainge vasingabvumidzwe kuvhota.

Vanoti zvichitevera mutongo wedare repamusoro, vanhu ava vave kuzonyoreswa pasi pechirongwa cheMOP-UP icho chiri kutanga svondo rinouya.

Muna Mbudzi gore rapera dare repamusoro rakati vanhu ava kana kuti ma aliens, vanokwanisa kuvhota kana vakaburitsa humbowo hunoratidza kuti vabereki vavo vanobva kunyika dziri kuchamhembe kweAfrica.

Mukuru wesangano rePlatform for Youth Development, VaClaris Madhuku, vaudza Studio 7 kuti vanotambira chirongwa ichi nemufaro sezvo chichipa mukana kune vaya vakashaya mukana wekunyoresa pazvirongwa zvapfuura.

VaMadhuku vanoti vanhu havafaniri kutambisa mikana yakadai sezvo ichivapa mukana wekuti vagozokwanisa kusarudza vatungamiriri vavanoda musarudzo.

Mumwe mugari wemuHarare VaMalvin Mukudu vatiwo zvakanaka kuti nguva yekunyoresa kuvhota iwedzerwe kuti vese vanokodzera kuvhota vaende kunonyorea.

Vanoona nezvesarudzo mubato reMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube, VaRichard Chimbiri, vakurudzira vese vasina kunyoresa kuvhota kuti vashandise mukana wavari kupihwa neZEC uyu.

Mukuru muboka revechidiki muMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai mudunhu reHarare, VaDenford Ngadziore, vati apa ZEC yaterera zvichemo zvavo.

Hatina kukwanisa kubata veZanu PF kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

VaNdhlovu vati kunze kweMOP-UP vanhu vanokwanisa kuramba vachinonyoresa kuvhota kunyange pari zvino kumahofisi avo ari mumatunhu ese munyika.

VeZEC vari kugadzira gwaro revavhoti idzva reBiometric Voter Registration, BVR, iro richashandiswa musarudzo dzegore rinouya uye izvi zvinotevera kubviswa kwebasa iri kubva kumahofisi ekwa Registrar-General.

Nyaya ina Godwin mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG