Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Voronga Kukunda Zanu PF Musarudzo dza 2018


Zimbabwe Youths
Zimbabwe Youths

Vechidiki kubva mumapato makuru anopikisa munyika anoti reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai pamwe neMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube vanoti vari kushanda zvakasimba vachikuridzira vechidiki kuti vatore zvitupa pamwe nekunyoresa kuti vakwanise kuvhota musarudzo dzegore rinouya.

Vechidiki kubva mumapato makuru anopikisa munyika anoti reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai pamwe neMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube vanoti vari kushanda zvakasimba vachikuridzira vechidiki kuti vatore zvitupa pamwe nekunyoresa kuitira kuti vakwanise kuvhota musarudzo dzegore rinouya.

Vatungamiriri vevechidiki mumapato aya vanoti sezvo vechidiki varivo vakawanda munyika bato richanyoresa kuvhota vechidiki vakawanda ndiro richakunda musarudzo dza2018.

Nekuda kwaizvozvo, sachigaro wevechidiki muMDC T – Youth Assembly, Happymore Chidziva, anoti vakatotanga kukurudzira vechidiki kuti vatore zvitupa pamwe nekunyoresa kuti vavhote musarudzo dzegore rinoouya.

Chidziva anoti vari kutora 2018 segore reshanduko uyo vatove nezvirongwa zvichaita kuti vechidiki vanyorese kuvhota.

Chidziva anoti chirongwa ichi chiri kuitwa munyika yese uye vane chinangwa chekunyoresa vechidiki miriyoni imwe chete, vachiti kana izvi zvikaitika bato ravo richakunda musarudzo.

Aenderera mberi achiti vari kutangawo makirabhu ekudzidzisa vanhu pamusoro pemutemo wezvekuvhota munyika uyewo vachange vachishandisa nzira dzechizvino zvino dzekufambisa mashoko dzakaita seWhatsApp, Facebook neTwitter mukuita izvi.

Sachigaro weYouth Assembly Assembly inotungamirirwa naVaWelshman Ncube, Gideon Mandaza, vanoti zvakakosha kuti vechidiki vavhote musarudzo nekuti ndiovo vakawanda munyika.

Vanoti pari zvino vari kudzidzisa vechidiki zvakokoshera kuvhota nekusarudza vatungamiriri vavanoda.

Mandaza anoti kana vechidiki vakasavhota vacharamba vachitambura nekushaya mabasa nenhamo.

Chidziva naMandaza vanoti kunze kwekuvhota vechidiki vanodawo kuvhoterwa. Chidziva anoti vechidiki vakatoia chisungo chekuti pazvimbo zvese zvichakwikwidzwa mumakanzuru neparamende vechidiki vanofanira kuwana zvikamu makumi maviri kubva muzana.

Mandaza anoti vechidiki mubato rake vakazvipira kutora zvigaro muparamende nemumakanzuru.

Imwe nhengo yeZanu PF Youth League, Tafadzwa Mugwadi, audza Studio 7 kuti sarudzo dza2018dzakakosha kune vechidiki sezvo vari ivo vari kunyaya kutambura nenyaya yekushaya mabasa nenhamo.

Mugwadi ati izvi ndizvo zvichaita kuti vechidiki vakawanda vade kupinda musarudzo vachivhota kana kuvhoterwa nechinangwa chekugadzirisa matambudziko avainawo.

Ati zvinosuwisa kuti vechidiki vebato rake havasi kutsvaga rutsiro kana kukurudzira vamwe vavo kunyoresa kuvhota sezvo vari mushishi rekurwisana kuti kuitika mubato iri.

Mugwadi anoti nyaya yemakakatanwa ari mubato rake inogona kuvhiringidza Zanu PF musarudzo dza2018.

Vanhu vanodarika zvikamu makumi matanhatu nezvishanu kubva muzana vari pasi pemakore makumi matatu nemashanu avo vanotorwa sevechidiki pasi pemutemo wenyika.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG