Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vove neTarisiro Yekuti Sarudzo Dzichaitwa muRunyararo


Nhengo yeZanu PF, VaElisha Mutambara vekuBuhera.
Nhengo yeZanu PF, VaElisha Mutambara vekuBuhera.

Vanhu vazhinji munyika vanoti vanotarisira kuti sarudzo dziri kuitwa Muvhuro Chikunguru 30 dzichange dziri sarudzo dzine runyararo kudarika sarudzo dzose dzakaitwa munyika kubva muna 1980.

Vamwe vevane maonero ekuti sarudzo dzichange dziri murunyararo ndaVaEdmore Major Kaima vemuHarare, asi vanoti kuti munyika muve neshanduko zvinenge zvadiwa nevanhu musi wesarudzo zvinofanirwa kuteverwa.

VaCollins Tsvangirai vekuBuhera, vanove munun’una wevaive mutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai, vanotiwo kunyange hazvo Zanu PF yave nenguva iri mumasimba, vanhu vanofanirwa kusarudza mutungamiri wavanoda vakasununguka kwete kuburikidza nekutengwa.

Vari kukwikwidza kuGoromonzi West musarudzo dzemakanzuru vakamirira MDC Alliance VaTongogara Machimbidza vanoti havawirirane nevari kuti sarudzo dzichange dziri murunyararo.

VaMachimbidza vanoti muwadhi yavari kukwikwidza, iyo iri mumapurazi akagariswa vanhu patsva, vanhu vari kutyisidzirwa kunzi kana vakasavhotera Zanu PF vanozodzingwa paminda yavagere.

Asi nhengo yeZanu PF kuBuhera VaElisha Mutambara vanoti vanhu vachavhota murunyararo, uye vanofairwa kuvhotera bato rine nhoroondo inotevereka.

VaMutambara vanoti Zanu PF yakakwanisa kuwanisa vanhu munyika dzidzo yakaita kuti Zimbabwe ive pamusoro penyika dzose muAfrica, pamwe nekuvaka zvipatara kubva pawana nyika kuzvitonga. Asi vanoti bato rezvematongerwo enyika haringazogoni zvese.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mutasa, vanoti maonero avo vana veZimbabwe vakagadzirira kuvhota murunyararo, kunyange hazvo panga paine kukwikwidzana pakati peZEC nemamwe mapato ezvematongerwo enyika.

Idzi isarudzo dzekutanga vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe pamwe nevaitungamira bato rinopikisa reMDC-T VaTsvangirai vasiri pamagwaro ekuvhotesa, chiitiko chinonzi nevamwe ndiyo shanduko yekutanga musarudzo dzegore rino.

Chasara ndechekuona kuti zvido zvevanhu zvichateverwa here kana kuti kwete nemapato ose ari kukwikwidza kana musi wa 30 Chikunguru wadarika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG