Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Vokurudzirwa Kunyoresa Kuvhota


Vemapato ezvematongerwo enyika pamwe nemasangano akazvimirira vari mubishi kukurudzira vanhu, zvikuru vechidiki, kuti vanyorese kuvhota musarudzo dza2023.
Vemapato ezvematongerwo enyika pamwe nemasangano akazvimirira vari mubishi kukurudzira vanhu, zvikuru vechidiki, kuti vanyorese kuvhota musarudzo dza2023.

Kupinda kwevechidiki musarudzo kunonzi vanoongorora zvematongerwo enyika kwakakosha zvikuru munyika dzose dzinenge dzichiita sarudzo sezvo kazhinji kacho bato rinenge riine rutsigiro rwevechidiki rwakawanda richikwanisa kukunda mumatunhu akawanda.

Asi dambudziko guru rinonziwo riri pakuti vechidiki ava vanyorese kuvhota kuitira kuti vazokwanisa kuvhotera mapato avo avanoda munguva dzesarudzo.

Vanhu vakawanda, zvikuru vechidiki ivava, vanonzi vanofunga nezvesarudzo vachitarisa zuva rekuvhota asi vachikanganwa kuti kune gadziriro dzinoitwa dzakafanana nekunyoresa kuvhota zuva resarudzo richitori kure kusvika.

Izvi ndizvo zvinonzi nevamwe vanoongorora zvematongerwo enyika zvinokonzera kuti matunhu anenge agara aine vechikuru vanovhota azoramba ari iwo anowana mavhoti akawanda, sezvo kunenge kusina vamwe vatsva vanogona kushandura zvinhu.

Nekuda kwaizvozvo, mapato ezvematongerwo enyika anosanganisira Zanu PF, MDC Alliance neMDC-T, pamwe nemasangano akazvimirira vakatotanga kupinda muuvanhu achiedza kukwezva vanhu zvikuru vechidiki vachangosvitsa makore ekuvhota kuti vaende kunonyoresa kuvhota.

Zimbabwe Electoral Commission yakatozivisawo kuti yakavhura mahofisi ayo mumatunhu ose emunyika kuitira kuti vanhu vange vachikwanisa kunyporesa kluvhota.

Mukuru werimwe remasangano ari kukurudzira vechidiki kuti vanyorese kuvhota, rePlatform for Youth and Community Development, VaClaris Madhuku, vanoti kunyange hazvo sarudzo dzichiri makore maviri kuti dzizoitwa, sangano ravo rakatoparura kare zvirongwa zvinokurudzira vanhu kuti vanyorese kuvhota.

VaMadhuku vanoti kuti nyika inge ichiita budiriro hunge vanhhu vachivhota, asi vanotiwo mitemo ine chekuita nesarudzo inofanirwa kuvandudzwa sarudzo dzisati dzaitwa.

Mumwe wechidiki webato reZanu PF, VaArchiford Guvuriro, avo vanonyanyozivikanwa nerekuti Tirimusangno Hwenje, vanoti bato ravo reZanu PF rakatotanga chirongwa chekukurudzira vechidiki kuti vatotanga kunyoresa kuvhota.

VaGuvuriro vanoti bato ravo rine tarisiro yekuwana mavhoti anosvika mamiriyoni manomwe, nekudaro vanotofanirwa klushanda zvakasimba kuti vanhu vanyorese kuvhota.

Hurukuro naVaClaris Madhuku pamwe naVaArchiford Guvuriro
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG