Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoburitsa Gwaro reMasangano neNyika Dzingangokokwa Kuzoongorora Sarudzo


Hurumende yaVaEmmerson Manangagwa inonzi iri kuronga kukoka vanoongorora sarudzo vakawanda
Hurumende yaVaEmmerson Manangagwa inonzi iri kuronga kukoka vanoongorora sarudzo vakawanda

Bazi rinoona nezvekunze kwenyika pamwe nekutengeserana, iro rinotungamirirwa naVaSibusiso Moyo, neMuvhuro rakaburitsa gwaro rinotaridza nyika, masangano, pamwe nevanhu vanotarisirwa kuzokokwa nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa kuti vazoongorora sarudzo, idzo dziri kutarisirwa kuitwa mumwedzi mishoma inotevera.

Nyika dziri pagwaro iri dzinosvika makumi mana nenhanhatu, masangano gumi nemashanu, uye vanhuwo zvavo vaviri vanoti Seneta Jeffrey Flake, vanove nhengo yedare reseneti muAmerica, vari zvakare mukomiti yezvekunze kwenyika iyi inoona nezvenyaya dzeAfrica, pamwe naVaAndrew Jackson Young, vakambove mumiriri weAmerica kuUnited Nations uye vakambovewo meya weguta reAtlanta kuGeorgia, makare muAmerica.

Masangano anotarisirwa kutumira nhume kunoongorora sarudzo anosanganisira reEuropean Union, African Union Commission, Pan-African Parliament, SADC Parliamentary Forum, Common Market for Eastern and South Africa-COMESA. Nyika dzinotarisirwawo kutumira nhume dzinosanganisirawo Palestine, Cuba, Iran, Mexico, neAmerica.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachidzidzisa paTswaane University of Technology, kuPretoria, South Africa, Doctor Ricky Mukonza, vanoti izvi zvinogona kureva kuti VaMnangagwa nehurumende yavo vari kushandura zvinhu munyaya dzesarudzo, idzo dzinonzi dzinofanirwa dzakachena, kuitira kuti Zimbabwe itaridze pasi rose kuti yashanduka mumaitiro ayo kubva zvakabva vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe pachigaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG