Accessibility links

Breaking News

Komiti yeMapato Inoona Nyaya dzeSarudzo Yonzwa Nyunyuto dzeVeruzhinji


Zimbabwe opposition parties are teaming up ahead of the 2018 general elections.

Mamwe mapato ezvematongerwo enyika anoti Zanu PF kiri umbunyikidza vanhu kuitira kut vaivhotere musarudzo dziri kuitwa kupera kwemwedzi uno.

Vachitaura pamusangano wekomiti yeMulit-Party Liason Committee mumiriri weMDC-T mukomiti iyi, VaZacharia Masiyazvanda, vati nhengo dzebato reZanu PF dziri kutyisidzira vanhu mumatunhu akawanda mudunhu reMashonaland West.

Izvi zvatsigirwa nemumiriri weNational People Party mukomiti iyi, VaClayton Mukamba, vachiti vanhu vari kutya zvikuru munzvimbo dzakagariswa vanhu patsva.

VaMukamba vati vanhu vari kutya kana kutaura navo nekuda kwekutyisidzirwa kwavari kuitwa neZanu PF.

Asi nhengo yebato reZanu PF mukomiti iyi, VaZivanai Mavesere, vati vemapato anopikisa havafanirwe kuita zvinhu zvekunzwa asi kuti vave nehumboo hwekuti vanhu vari kutyisidzirwa.

Mukuru weZimbabwe Election Commission, Zec, mudunhu reMashonaland West, VaAustin Ndlovu, vati misangano yemapato haisi yekunakurirana nyoka mhenyu, asi kuti vanhu vashande pamwe chete kuti sarudzo dzive dzakachena.

Musangano uyu watarisawo kugadzirira kwaita Zec, iyo yati yakagadzirira zvakakwana kunyanya panyaya dzemotokari nemafuta edzimotokari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG