Zimbabwe neChishanu manheru yakadomwa kuti ive mutevedzeri wasachigaro weKimberley Process, sangano rinoona nezvekucherwa pamwe nekutengeswa kwemangoda pasi rose zviri pamutemo.
Izvi zvakaitika pakupetwa kwemusangano weKimberley Process waiitirwa kuMoscow, guta guru reRussia kubva musi wa08 Mbudzi kusvika musi wa 12 Mbudzi.
Izvi zvinoreva kuti muna 2022 Zimbabwe inenge yave mutewedzeri weBotswana, iyo ichange yave iyo sachigaro, uye muna 2023 Zimbabwe ndiyo inenge yave sachgaro.
Sangano reKimberley Process riripo kuona kuti mangoda anenge achitengeswa kubva munyika dzakasiyanasiyana ari kucherwa zvisina ropa mukati here uye kuti mari dziri kuwanikwa kubva mukutengeswa kwemangoda aya hadzisi kushandiswa mukuita zvehugandanga.
Russia ndiyo sachigaro wesangano iri pari zvino, ichiteverwa neBotswana.
Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari nhengo yeZanu PF mudunhu reBritain, Doctor Simba Mavaza, vanoti kudomwa kweZimbabwe kuti itore chigaro ichi chiratidzo chekuti pasi rose rine chivimbo neZmbabwe uye mashoko ekuti Zimbabwe yaitengesa mangoda eropa aive emanyepo.
Asi mukuru wesangano reCentre for Natural Resource Governance, iro rinokurudzira kuchengetedzwa kwezviwanikwa, VaFarai Maguwu, vanoti kudomwa kweZimbabwe hakuna zvikuru zvakunoreva sezvo pasina sarudzo dzinoitwa kumisangano yakadai, asi kuti nyika ndiyo inotokumbira kuti inodawo chigaro chakati.
VaMaguwu vanotiwo Kimberley Process haitarise nyaya dzehutongo hwejekere asi kuti inongotarisa zvekutengeswa kwemangoda chete, izvo zvinoita kuti nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe dzisave nechekuita nekudomwa kwayo kutungamira sangano iri.
Facebook Forum