Accessibility links

Breaking News

Zec Inoti Inotevedza Mitemo Mukuitwa kweSarudzo


Zimbabwe Electoral Commission

Zvichitevera mashoko ekuti MDC Alliance yaunganidza magwaro enyunyuto, ayo akasainwa nevanhu vanodarika mazana matatu ezviuru, vachiratidza kusafara kwavo nekudomwa kwemazita evanhu vachatora zvigaro gumi nezvishanu zvemu National Assembly pamwe nemudare reSenate, kwakaitwa neMDC-T, Zimbabwe Electoral Commission inoti haikwanisi kutaura nezvenyunyuto idzi.

Sachigaro veZimbabwe Electoral Commission, Justice Priscilla Chigumba, vaudza Studio7 parunhare kuti vanga vasati vasumwa nyaya iyi nemukuru anoona nezvesarudzo munyika, VaUtloile Silaigwana.

Studio7 haina kukwanisa kubata VaSilaigwana sezvo nharembozha yavo yanga ichinetsa kubata.

Asi Justice Chigumba vati vanoshanda vachitevedza mitemo, uye hapana mutongo wedare unovarambidza kuenderera mberi nehurongwa hwavo hwekuita basa ravo zviri pamutemo nwema nominations akatarisirwa kuitwa.

Justice Chigumba, avo vanoshanda semutongi wematare edzimhosva epamusoro, vati vanozviziva kuti kune vanopikisa vakawanda vari kuvapomera mhosva yekushanda vakarerekera divi rimwe chete, vakati mashoko akadai anobva kuvanhu vasingazive mashandiro ekomisheni yavo.

Justice Chigumba vati zvakosha kuti vemapato ezvematongerwo enyika vazive zvinoreva nezvinodiwa nemitemo yesarudzo vasati vatanga kutaura zvinozvidza mashandiro ekomisheni yavo.

Munyori mukuru weMDC Alliance, VaChalton Hwende, vati vamirira kuona danho richatorwa neZimbabwe Electoral Commission, vozogara pasi vachironga kuti vofambira seyi mberi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG