Masangano anomirira varairidzi vari pakuramwa anoti kunyange hazvo varairidzi vari kutyityidzirwa munyika yose, vacharamba vachienderera mberi nekuramwa mabasa kudzamara hurumende yagadzirisa zvichemo zvavo.
Mutungamiri werimwe remasangano aya, reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, Doctor Takavafira Zhou, vanoti vari kutambira nyunyuto dzakawanda chose kubva kuvarairidzi vari kuti vari kushanyirwa muzvikoro vachibvundutsirwa nevasori, mapurisa, pamwe nevechidiki vemamwe mapato ezvematongerwo enyika vachinzi vadzokere kumabasa.
Asi Doctor Zhou vanoti varairidzi vanokwanisa chete kudzokera kumabasa kana hurumende yakatarisisa zvakare mari dzairi kuda kupa varairidzi.
Vanoti kana hurumende isingakwanisi kuwedzera mari dzemihoro yevarairidzi vari pasi kuenda pachiuru nemazana manomwe emadhora pamwedzi, dai yakwanisa zvayo kukwidza mihoro kusvika pamazana manomwe emadhora pamwedzi.
Boka rePublic Service Commission rinonziwo rakburitsa gwaro rinoti varairidzi vose vari pakuramwa mabasa vachabatirwa mari dzemazuva ose avanenge vasina kuenda kubasa.
Studio 7 haina kukwanisa kunzwa mativi ehurumende pamwe nemapurisa panyaya iyi. Kuramwa mabasa kwevarairidzi kwapinda muzuva retatu pasina munongedzo wekuti pachaitwa nhaurirano dzechimbichimbi.
Facebook Forum