Accessibility links

Breaking News

Musangano weGurukota rezveDzidzo neVarairidzi Unotadza Kuburitsa Chimuko


Sangano reZimbabwe Teachers' Association pamwe chete nereProgressive Teachers' Union of Zimbabwe ndemamwe masangano akatozivisa kuti achapinda mukuramwa mabasa.
Sangano reZimbabwe Teachers' Association pamwe chete nereProgressive Teachers' Union of Zimbabwe ndemamwe masangano akatozivisa kuti achapinda mukuramwa mabasa.

Gurukota rezvedzidzo yepasi Muzvinafundo Paul Mavhima neMuvhuro vashevedzera musangano wechimbichimbi nevamiriri vemasangano evarairidzi vachiedza kumisa kuramwa mabasa kwakarongwa nevarairidzi kutanga neChipiri musi wa5 Kukadzi.

Masangano maviri makuru evarairidzi munyika anoti reZimbabwe Teachers Association (ZIMTA), nereProgressive Teachers Union of Zimbabwe (PTUZ) akazivisa svondo rapera kuti nhengo dzawo dzichatanga kuramwa mabasa svondo rino dzichida kuti hurumende ivawedzere mari dzemihoro.

Mamwe masangano evarairidzi anosanganisira revadzidzisi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe (ARTUZ), neProfessional Educators Union of Zimbabwe (PEUZ), anoti ari kutsigirawo hurongwa uhwu.

Mutungamiri wePEUZ, VaWilson Makanyaire vanoti nhengo dzesangano ravo dzichapindawo mukuramwa mabasa uku sezvo VaMavhima vasina chavaisa patafura kuti varairidzi vanhonge.

Hurukuro naVaWilson Makanyaire
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanoti hapana zvitsva zvavanzwa mumusangano uyu zvinopundutsa hupenyu hwavo. Hurumende yakazivisawo kuti yakanga kawana mari inosvika mamiriyoni mazana matatu emadhora ekuti ipe vashandi vayo semari yekuvadzivirira kubva mukukwira kwemitengo yezvinhu.

Asi vashandi vari kuramba mari iyi vachiti ishoma zvikuru zvichienzaniswa nekukwira kwaita mitengo yezvinhu.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuna Muzvinafundo Mavhima.

Zvichakadaro, nhengo dzebato reZanu PF dzakapinda musangano wakaitwa nemusi weSvondo muChinhoyi weInter District Committee dzakasunga chisungo chekuti nhengo dzebato iri dzinyore mazita evashandi vose vehurumende vacharamwa mabasa, zvikuru sei vadzidzisi, uye nekuponjesa mavhiri emotokari dzevashandi vemapoka anomirira vashandi ava.

Vachitaura pamusangano wakaitwa neSvondo, nhengo yedunhu yakamirira nyaya dzemutemo kana kuti ‘Legal Affairs’ vari mukuru mubazi rezvematunhu VaChristopher Shumba vakati nhengo dzebato reZanu PF dzinofanirwa kutora matanho anodzivirira bato pamwe nehurumende.

VaShumba vakati nhengo dzose dzinofanirwa kunyora vashandi vehurumende vacharamwa mabasa zvikuru sei vadzidzisi, avo vari kutarisirwa kutanga kuramwa mabasa mangwana, pamwe chetewo navanamukoti.

VaShumba vakati vechidiki vebato iri vanofanirwa kuponjesa mavhiri emotokari dzevamiriri vemasangano evadzidzisi akaita seZIMTA, nekuvaendesa kumapurisa.

Asi sachigaro wePTUZ mudunhu reMashonaland West, VaAustin Mutapa vanoti vadzizisi havasi kuzoenda kubasa mangwana kunyange hazvo vari kutyisidzirwa zvakadai.

VaMutapa, avo vambotorwa nemapurisa nhasi vakabvunzurudzwa nezvenyaya yekuronga kuramwa mabasa kwevarairidzi, vanoti mapurisa anga achida kuziva kuti vanga vachiudza vadzizisi kuti chii nhasi.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

Vadzidzisi vari kuda kuramwa mabasa vachiti hurumende inofanirwa kuvapa mari inovakwanira sezvo vari kuti mari yavanotambira ishoma zvakanyanya uku mitengo yezvinhu ichiramba ichikwira zuva nezuva.

Nyaya ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG