Rimwe sangano rinomirira varairidzi, reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti harisi kufara nedanho rarinoti riri kutorwa nehurumende rekumanikidza varairidzi kunyora mafomu arinoti ari kuda kushandiswa mukubata mari dzekufambisa zvitoro zvemauto kana kuti garrison shops.
Mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti vakuru vezvikoro, zvikuru mudunhu reMasvingo, vari kumanikidza varairidzi kuzadzisa mafomu aya vachiisa nhamba dzavo dzezvitupa, pamwe nemazita avo vachiudzwa kuti zvichazovabatsira kuti vapiwe makuponi ekutenga zvinhu muzvitoro zvemauto izvi.
Doctor Zhou vanoti kunyange hazvo hurumende yakati ichaisa zvitoro mumakamba emauto, haina kujekesa kuti mari yacho ichabve, panguva iyo yakati ichaumba homwe yekubatsira vashandi nemari.
Hurumende yakati homwe iyi ichaumbwa nemari inoita zvikamu zviviri nezviga zvishanu kubva muzana (2.5 percent) zvichabatirwa vashandi vehurumende vanoda zvavo kupinda muchirongwa ichi.
Asi Doctor Zhou vanoti hapana mushandi achapinda muchirongwa ichi sezvo vashandi vari kutotambura nechakare, izvo zvave kuita kuti hurumende iite chitsotsi ichi.
Studio 7 yakundikana kubata mukuru wezvedzidzo mudunhu reMasvingo, VaZedius Chitiga sezvo nhare yavo yanga isiri kudairwa.
Asi Doctor Zhou vanoti vari kukurudzira nhengo dzavo kuti dzirambe kunyora mafomu aya.
Facebook Forum