Accessibility links

Breaking News

Dzidzo Yodzikira Sezvo Varairidzi Vari Vashoma Munyika?


RTUZ protest march
RTUZ protest march

Bazi rezvedzidzo yepasi rinotarisirwa kuwana bhiriyoni remadhora mubhajeti regore rinouya. Asi bazi iri rinoti veruzhinji havafaniri kutarisira dzidzo yemhando yepamusoro sezvo risina varairidzi vakakwana muzvikoro zvemunyika yose.

Mashoko aya akataurwa nezuro nemunyori mubazi iri, Dr Slyvia Utete Masangano, kunhengo dzekomiti yeparamende inoona nezvedzidzo yepasi, apo vaitaura pamusoro pebhajeti rebazi ravo ra2019.

Vakati pari zvino hapachina zvekuronga bhajeti sezvo vave kuudzwa zvekuita nebazi rezvemari.

Amai Utete-Masango vakati vakatoudzwa kuti vachapihwa mari inoita bhiriyoni nezana remamiriyoni emadhora nebazi rezvemari.

Amai Utete Masango vakati zvikamu zvinodarika makumi manomwe nezvishanhu kubva muzana zvemari iyi zvinoenda kumihoro.

Asi vakati kunyange zvakadaro, hapana mukana wekuti bazi iri ripinze vamwe varairidzi basa sezvarinoda kuitira kuti rikwanise kupa vana dzidzo yepamusoro.

Vakatiwo izvi zvinoreva kuti murairidzi mumwe chete anodzidzisa vana vakawanda kudarika vanokodzera izvo zvinoderedza mukana wekuti vana vaite zvakanaka padzidzo yavo.

Amai Utete-Masango vakati havana zvavangakwanisa kuita nenyaya iyi sezvo hurumende iine chirongwa chekuderedza mari yainoshandisa pamihoro yevashandi vayo.

Asi vakati vari munhaurirano nebazi rezvemari pamwe nebazi rinopinza vashandi vehurumende basa reCivil Service Commission kuti vagadzirise nyaya iyi.

Vachipawo humbowo pamberi pekomiti iyi, mukuru werimwe remasangano anomirira varairidzi, reZimbabwe Teachers Association, VaSifiso Ndhlovu, vakati hurumende inofanira kupinza varairidzi vakawanda basa kuitira kuti varairidzi varipo vasafe nebasa.

Pari zvino muraidzi mumwe anodzidzisa vana makumi manhatu kana kudarika kunyange hazvo achifanira kudzidzisa vana vane huwandu huri pasi.

Nyanzvi munyaya dzedzidzo dzinoti pavana vekireshi, murairidzi anofanirwa kudzidzisa vana makumi maviri nevashanu, ku primary, murairidzi anofanirwa kudzidzisa vana makumi mana pakirasi, kozoti kusekondari, murairidzi anofanirwa kudzidzisa vana vasingadarike makumi matatu nevashanu.

Zimbabwe inofanirwa kupinza vamwe varairidzi zviuru gumi nezvinomwe kuitira kuti varairidzi vashande sezvavanofanirwa kuita kana zvinhu zvakanaka.

Pari zvino Zimbabwe ine zvikoro zvinodarika zviuru zvisere, asi panodiwa zvimwe zvikoro zviuru zviviri nechidimbu kuitira kuti vana vakwanise kudzidza zvakanaka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG