Accessibility links

Breaking News

Masangano eVarairidzi Opesana Pakuti Varairidzi Vodzokera Here Kana Kuti Kwete kuMabasa neMuvhuro


Zvikoro zviri kuvhurwa muchikamu chepiri neMuvhuro unouya, mamwe masangano evarairidzi achiti nhengo dzawo hadzisi kuzodzokera kumabasa sezvo dzisina mari.
Zvikoro zviri kuvhurwa muchikamu chepiri neMuvhuro unouya, mamwe masangano evarairidzi achiti nhengo dzawo hadzisi kuzodzokera kumabasa sezvo dzisina mari.

Masangano evarairidzi ari kupesana zvakanyanya panyaya yekuti nhengo dzawo dzodzokera here kumabasa kana kuti kwete, apo chikamu chepiri chekuvhurwa kwezvikoro chiri kutarisirwa neMuvhuro unouya.

Masangano evarairidzi anoti reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, neAmalgamated Rural Taechers Union of Zimbabwe, ARTUZ, ari kuti nhengo dzawo hadzisi kuzodzokera kumabasa sezvo dzisina mari dzekufambisa pamwe nekubhadharirawo vana vadzo kuzvikoro.

Sangano reARTUZ rakatozivisa hurumende kuti nhengo dzaro dziri kuratidzira neMuvhuro unouya kana isati yagadzirisa zvichemo zvevarairidzi

Mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti mari dzatambirwa nevarairidzi mwedzi uno dziri pakati pezviuru gumi nezvina nezviuru gumi nezvipfumbamwe zvemadhora emunyika hadzikwane kuti vadzokere kumabasa, vobhadhara pekugara pamwe nekuendesawo vana vavo kuzvikoro.

VaZhou vanoti sangano ravo richazivisa hurumende neChishanu nezvedanho renhengo dzayo rekuti hadzisi kukwanisa kudzokera kumabasa adzo neMuvhuro panovhurwa zvikoro.

Asi mukuru weZimbabwe Teachers Association, Doctor Sifiso Ndlovu, vakaudza Studio 7 nemusi weChina kuti sesangano, vakatanga vanzwa kubva kunhengo dzavo vasati vatora chisungo chekuti varairidzi vadzokere kumabasa vachipawo nguva kunhaurirano dzeNational Joint Negotiating Council dziri kuitwa.

Doctor Ndlovu vakati vakapawo hurumende mazuva gumi nemana ekuti igadzirise zvichemo zvevarairidzi, kukundikana kwayo vanozotorawo matanho.

Mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vanoti bazi ravo rine ruzivo pamusoro pemamwe masangano ari kuti nhengo dzawo hadzisi kuzodzokera kumabasa, asi izvi hazvisi kuzokanganisa kuvhurwa kwezvikoro neMuvhuro svondo rinouya.

Muvhuro svondo rino zvikoro zvakavhurwa pasi pechikamu chekutanga, asi vamwe varairidzi havana kuenda kumabasa vachiti vakanga vasina mari dzekufambisa.

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaTaungana Ndoro
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG