Rimwe remasangano anomirira varairidzi, reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, pamwe nemamwe masangano ane chekuita nezvedzidzo asangana nekomiti yeparamende inoona nezvedzidzo achipawo pfungwa dzawo pamusoro pemamiririro akaita zvinhu muzvikoro zvepamusoro.
Munyori wesangano rePTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti sangano ravo rasvitsawo kukomiti iyi, iyo inotungamirirwa naVaDaniel Molokele, gwaro renyunyuto dzavo dzinosanganisira kukwira kwemari dziri kubhadhariswa vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro.
PTUZ inoti kukwira kwemari dzinobhadharwa nevana vezvikoro zvepamusoro kuri kukonzera kuti vamwe vana vanobva kumhuri dzinoshaya vakundikane kuenda mberi nedzidzo, vamwe vachipedzisira vapinda muchipfambi kuti vakwanise kurarama muzvikoro zvavo.
VaMajongwe vanoti sangano ravo rasiira komiti yaVaMolokele iyi zvinhu makumi maviri zvavanofunga kuti zvinofanirwa kugadziriswa kuburikidza nekuti zvisvitswe kuhurumende.
Mamwe masangano evadzidzi anonzi apawo humbowo hwawo kukomiti iyi anosanganisira ZINASU, ZICOSU pamwe nemasangano anomirira vadzidzi muzvikoro zvakasiyanasiyana, kana kuti maStudents Representative Councils.
Hatina kukwanisa kubata VaMolokele kuti tinzwewo kubva kukomiti yavo.
Komiti yeparamende inoona nezvedzidzo iyi ndiyo inonzi yakakoka masangano ose ane chekuita nezvedzidzo kuti vapewo pfungwa dzavo pamamiriro akaita zvinhu mune zvedzidzo munyika.
Zvikoro zvizhinji zvepamusorosoro zvinonzi zviri kubhadharisa mari dziri pakati pemadhora zviuru zvishanu nezviuru zvitanhatu nemazana mashanu pakotoro, mari iri kunzi nemasangano aya yakawandaisa zvichienzaniswa nemari dziri kutambirwa nevashandi vazhinji, kusanganisira vashandi vehurumende.
Facebook Forum