Mamwe masangano anomirira varairidzi anoti abatana mukuramba kutambira hurongwa hwehurumende hwekuti bvunzo dzepakati pegore dzeOrdinary neAdvanced Level dzinyorwe mwedzi unouya.
Masangano aya anoti panofanirwa kutanga patorwa matanho akasimba ekudzivirira kupararira kwehutachiwana hunokonzera Covid-19 muzvikoro, uye kupiwa kwedzidziso pamusoro pechirwere ichi kuvarairidzi nevadzidzi.
Izvi zvinotevera chiziviso chakasvitswa kuparamende nemusi weChina nemunyori mubazi rezvedzidzo yepasi, Amai Thamsang Thabela, chekuti dare remakurukota rakanga rawirirana kuti bvunzo idzi dzienderere mberi, uye kuti hurumende yakanga yatotara mazuva ekunyorwa kwebvunzo idzi kubva musi wa 29 Chikumi kusvika musi wa 22 Chikunguru.
Asi mutungamiri werimwe remasangano anomirira varairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, ARTUZ, VaObert Masaraure, vanoti masangano ose evarairidzi achabatana pamwechete kunyora gwaro rekupikisa danho rehurumende neMuvhuro unouya.
VaMasaraure vanoti kana hurumende yakaramba yakaomesa musoro, vanozoenda kumatare edzimhosva kuti amise kuvhurwa kwezvikoro uku, uko vanoti kunoisa hupenyu hwevana pamwe nehwevarairidzi panjodzi.
VaMasaraure vanotiwo vachabva vasitsawo nyunyuto dzemihoro iri kutambirwa nevarairidzi, iyo vanoti yaparadzwanekushaya simba kwemari yemunyika.
Facebook Forum