Accessibility links

Breaking News

Vabereki Vonyunyuta neDanho reHurumende reKuti Vabhadhare Varairidzi veECD


Vabereki vanoti havanawo mari yekubhadhara varairidzi
Vabereki vanoti havanawo mari yekubhadhara varairidzi

Vabereki vane vana vanoita magwaro anopa hwaro hwedzidzo, eEarly Childhood Development pamwe nevadzidzisi vavo vonyunyutira hurumende iyo yakambomisa kubhadhara muhoro wevarairirdzi ava ichiti vabereki vazvionere.

Vachitaura mushure mekubuda kwemashoko ekuti hurumende yakati vabereki vanofanira kubhadhara muhoro yevadzidzisi vanodzidzisa vana vasati vatanga rugwaro rwekutanga, kana kuti Early Childhood Development, ECD nekuti haina mari, vabereki vazhinji vanoti harisi basa ravo kuti vabhadhare vashandi vehurumunde.

Apowo vadzidzisi vanoti izvi zvinogona kureva kuti ndopakaperera sarungano pakushanda kwavo sezvo vabereki vazhinji vari kunetseka chero kuwana mari dzekubhadharira vana vavo chikoro.

Amai Eve Mushonga, vane mwana anotanga zvidzidzo zve ECD gore rinouya, vanoti mashoko aya ano vashungurudza sezvo vari kutokundikana kuwana mari yechikoro yakakwana.

“Zviri kuitwa nehurumende hazviiti nekuti isu vabereki titoriwo vashandi saka mari yekuzobhadhara vadzidzisi ndoiwanepi? Ini ndiri mubereki ane mwana ari kuenda ku ECD gore rinouya ndiri kutotsvaga mari yechikoro, ko yekuzobhadhara futi mudzidzisi wake ndoiwanepi? izvi hazviiti izvi,” vanodaro Amai Mushonga.

Vamwe vabereki vanoti ibasa rehurumende rekupinza vashandi basa yovabhadhara kwete kuturira mutoro uyo kwavari apa ruzhinji rwevanhu rwuri kunonga svosve nemuromo nenyaya yemamiriro ehupfumi hwenyika.

Vadzidzisi vanochema-chema nenyaya iyi vachiti zvi zvinogona kureva kuti vacharasikirwa nemabasa vabereki vakundikana muvabhdhara. VaZivani Muzoroza vanoti vave kutotyira basa ravo sezvo vari umwe wevadzidzisi veECD.

“Semurairidzi ndinoona zvisiri izvo zvinofanira kuitika nekuti zvichareva kuti vabereki vachanyunyuta nazvo, zvadaro mabasa edu opera nekuti tichashaya anotibhadhara. Totoenda kunogara kumba asi ticha aproacher ma unions edu anotimirira toramba izvi,” vanodarowo VaMozoroza.

Nyanzvi mune zvemutemo vari gweta muMasvingo, VaTapiwa Gondo vanoti hazvisi pamutemo kuti vabereki vabhadare vadzidzisi kunyanya pazvikoro zvehurumende.

VaTakavafira, Zhou vanove mutungamirri wesangano reProgressive Teachers’Union of Zimbabwe vati hurumende yavekuda kuokenwa basarayo.

Muchinyorwa chavakaburitsa mune rimwe bepanhau, VaZhou vati vadzidzisi vachabatana nevabereki kuramba izvi nekuti ibasa rehurumende kubhadhara vashandi vayo.

Kunyange takundikana kubata gurukota rezvedzidzo VaPaul Mavhima, vakaudza vamwe vatori venhau kuti vabereki vanenge vasingadi vanobvisa vana vavo muzvikoro zvehurumende vovaendesa kuzvikoro zvakazvimiririra.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa vachiparura bhajeti regore rinouya, vakati bazi ravo rakabvisa mari yekubhadhara madzidzisi ava nekuti hurumende haina mari.

Nyaya ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG