Accessibility links

Breaking News

Sangano reARTUZ Roronga Kuratidzira neMuvhuro Unouya


Nhengo dzeARTUZ dzchiratidzira.
Nhengo dzeARTUZ dzchiratidzira.

Rimwe sangano rinomirira varairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, ARTUZ, ranyorera hurumende rwaro richiipa svondo rimwe chete rekuti igadzirise zvichemo zvevarairidzi, kukundikana kwayo nhengo dzaro pamwe nevabereki vanozopinda mumigwagwa vachiratidzira nyika yose.

Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, vanoti vatosvitsa gwaro ravo rine zvinyunyuto zvipfumbabwe kumapazi anoti redzidzo, rinoona nezvevashandi vehurumende rePublic Service Commission, pamwe nekumahofisi emutungamiri wenyika vachivazivisa kuti vacharatidzira nemusi wa 22 Kurume.

Zvimwe zvezvinhu zvavanoti zvinofanirwa kutanga zvagadziriswa zvinosanganisira nyaya dzemihoro yavo iyo vanoda kuti idzokere pamadhora mazana mashanu nemakumi maviri ekuAmerica avaitambira muna 2018, uye kuteverwa kwenzira dzekudzivirira nadzo kupararira kweCovid-19 muzvikoro,

Zvimwe zvacho zvavanoti zvinoda kugadzirira zvakakwana kwevadzidzisi pamwe nevana vechikoro, kudzikira zvakanyanya kwehuwandu hwevana vakabudirira pabvunzo dzegore rapera pamwewo nekukwira kwehuwandu hwevanasikana vachiri kuchikoro vari kubata pamuviri, izvo vanoti zviri kukonzerwa nekutora nguva yakareba vana vasina kudzokera kuchikoro.

Zuva ratarwa nesangano reARTUZ iri kuti riratidzire ndiro zvakare zuva rinotarisirwa kuvhurwa kwezvikoro pachikamu chepiri, zvinoreva kuti zvinogona kukanganisa kuvhurwa kwezvikoro uku.

Asi VaMasaraure vanoti kuratidzira kwavo hakuna zvakuchakanganisa nekuti nhengo dzavo dzanga dzagara dzanga dzisiri kudzokera kumabasa zuva iri nekuda kwekushaiwa mari dzekufambisa.

Vanoti kana vakasawana mhinduro vacharatidzira vachinosiya magwaro enyunyuto kumahofisi edzidzo nyika yose.

Asi mutauriri webazi rezvedzidzo, VaTaungana Ndoro, vanoti kunyange hazvo vari kunzwawo nezvehurongwa hwekuda kuratidzira kwesangano reARTUZ uhwu kuburikidza nemadandemutande, ivo sebazi rezvedzidzo yepasi vari kuramba vakatarisa kuenda mberi nekuvhurwa kwezvikoro.

VaNdoro vanoti hurumende yanga yagara ichitogadzirisa zvinyunyuto zvavo izvi nechakare, uye sebazi redzidzo vari kukurudzira nhengo dzeARTUZ kuti dzidzokere kumabasa panovhurwa zvikoro neMuvhuro.

Hurukuro naVaObert Masaraure
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaTaungana Ndoro
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG