Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotadza Kuwana Mari Inoikwanira Kubva kuMitero


VaPatrick Chinamasa
VaPatrick Chinamasa
Bazi reZimbabwe Revenue Authority, ZIMRA, rinoti nyika yakatadza kukwanisa kuwana mari yemitero yayainge yakatarisira muchikamu chechitatu chepagore.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti izvi zvinoratidza kuti zvinhu munyaya dzezvehupfumi hazvina kumira zvakanaka.

Mumashoko ayo kuvatori venhau, sachigaro weZIMRA, VaStanford Moyo, vanoti bazi ravo rakakwanisa kuwana mari inosvika mazana masere nemakumi mapfumbamwe nemanomwe emamiriyoni emadhora kubva pamari inoita mazana mapfumbamwe ane mashanu emamiriyoni emadhora yavaitarisira.

VaMoyo vanoti zviri kupa kuti zvinhu zvidzikire munyaya dzekucherwa kwezviwanikwa pamwe nemashandiro emaindasitiri inyaya yekuti magetsi ari kushomeka uye kushaikwa kwemari yekutenga michina mitsva nemimwe midziyo inodiwa mumaindasitiri.

Hupfumi hunonzi huri kutarisirwa kukura nezvikamu zvitatu nechidimbu kubva muzana, kwete zvikamu zvishanu kubva muzana zvange zvakatarisirwa.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti zvinhu zvaita manyama amire nerongo munyaya dzezvehupfumi zvekuti hurumende inofanira kutomira semusambangwena.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG