Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nyanzvi Munezvehupfumi Dzinoti Zvichatora Nguva Kuti Zimbabwe Igadzikane


RBZ

Zimbabwe Energy Regulatory Authority, ZERA, yazivisa kuti kutangidza nhasi Muvhuro, mutengo wemafuta ekufambisa dzimotikari unchapamhidzirwa zvekare.

Mitengo mitsva iyi icha siyanasiyana zvichienderana nedhorobha kunenge kwatengwa mafuta aya.

Harare neMutare ndidzo dzichange dziine peturu nedhiziri zvakachipa kupfuura kumwe kwese, peturu ichiita $10.01, dhiziri richiita $10.32.

Ukuvo, Victoria Falls ndiyo ichave nepeturu nedhiziri zvinodhura kupfuura mamwe maguta ese, sezvo kutangidza nhasi peturu ichange ichiita $10.56, dhiziri richiita $10.85.

Imwe mitengo yaziviswa neZERA yakamira yakadai: Bulawayo: Peturu $10.39, Dhiziri: 10.69

Gweru, Masvingo neKaroi: Peturu $10.21, Dhiziri: $10.51

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti vanhu varikuramba vachiomeserwa asi mihoro yavo isingakwidzwi naizvozvo vave kutya kuti zvichazosvitsa vanhu pakurwisana nehurumende.

Vanodzidzisa zvemabhisimisi paDevry University, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti zvichatora nguva refu kuti zvinhu zvigadziriswe sezvo parizvino hurumende iri kutadza kugadzirisa zvinhu munyika uye hairatidzi kuti ineruzivo rwekubudisa nyika mumatambudziko airi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:03 0:00

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG