Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHupfumi Dzinoti Kukura kweHupfumi hweNyika Hakubudiriri Kana Vanhu Vachishupika muNyika


Gurukota rezvehupfumi, Muzvinafundo Mthuli Ncube
Gurukota rezvehupfumi, Muzvinafundo Mthuli Ncube

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vakati nyika iri kutarisira kukwira kwehupfumi mugore rino ra2021 nezvikamu zvinomwe nezviga zvisere kubva muzana, kana kuti 7.8 percent, zvichitevera kunaya zvakanaka kwemvura uye kugadzikana kwemitengo yezvicherwa pamisika yekunze.

Muzvinafundo Ncube vakataura mashoko aya pakuparura kwavo hurongwa hwemashandisirwo emari yehurumende hwepakati pegore nemusi weChina svondo rapera mudare reparamende.

Izvi zvinotsigirwa nenyanzvi mune zvehupfumi, Muzvinafundo Gift Mugano, avo vanoti zvinokwanisika kuti hupfumi hwenyika hunokwira nezvikamu izvi, kana pachitariswa kuti nyika iri kubva mumatambudziko mumakore maviri adarika.

Asi Muzvinafundo Mugano vanoenderera mberi vachiti kukwira kwehupfumi hwenyika uku hakuna zvakunoreva sezvo kusiri kufambidzana nemararamiro evanhu munyika, vachiti gwaro rakaburitswa nebhanga guru renyika, reWorld Bank, rinoratidza kuti vanhu zvikamu makumi mana nezvipfumbamwe kubva muzana zviri kutambura. Mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vanotiwo zvinogona kuitika kuti hupfumi hwenyika hunokwira nezvikamu zviri kutaurwa naVaNcube, asi·hurumende inofanirwawo kukwidza mari isingabatirwe vashandi mutero kubva pamadhora zviuru gumi kuenda pazviuru makumi mana kuitira kuti ifambirane nekukwira kwemutengo yezvinhu, kunyanya mushure mekudzikwa kwemutemo weStatutory Instrument 127.

Asi imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanoti havaoni tarisiro yebazi rezvemari iyi ichibereka michero sezvo denda reCovid-19, kumbovharwa kwemiganho pamwe nembokuvharwa kwemakambani zvakakanganisa hupfumi hwenyika, uyewo kuti gore ratove kutopera.

VaKuchera vanoti hurumende inogona chete kugadzirisa zvimwe zvezvimhingamipinyi zviri kukanganisa kukura kwehupfumi hwenyika kuburikidza nekugara pasi nevemabhizimusi kuti vasakwidze mitengo, kubhadharwa kwevashandi mihoro inotenga uyewo kurerutsa mutemo unorambidza kufambafamba kwevanhu kutira kuti vashandi vakawanda vachidzokera kumabasa.

Mugwaro ravo rehurongwa hwemashandisirwo emari hwepakati pegore, gurukota rezvemari rakanga vakaisa tarisiro yekukura kwehupfumi hwenyika pazvikamu zvinomwe nezviga zvina kubva muzana, kana kuti 7.4 percent, asi bazi ravo rakazokwidziridza tarisiro iyi kuenda pa 7.8 percent.

Muzvinafundo Ncube vakazivisawo kuti nekuda kwekukura kwehupfumi kuri kutarisirwa uku, havaooni vachiita zvakare humwe hurongwa hwemari hwekutsigira hwavakaparura svondo rapera kana kuti supplementary budget, gore rino.

Kunze kwekunge hurumende yagadzirisa zvimhingamipinyi zvose zviri kunzi nenyanzvi dzezvehupfumi pamwe nevemabhizimusi ndizvo zvezvimwe zvezvinhu zviri kukanganisa kukura kwephupfumi, uyewo zviri mugwaro reWorld Bank zvekuti vanhu zvikamu makumi mana nezvipfumbamwe kubva muzana vari kurarama muhurombo munyika, kukura kwese kwehupfumi hwenyika kuri kutarisirwa uku hakuna zvakunoreva.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG