Accessibility links

Breaking News

Boka reVezvitoro Rinokura muGore Rino Kunyange Paine Zvimhingamipinyi zveCovid-19


Nyanzvi dzeupfumi dzinoti kunyange hazvo denda reCovid-19 rakavhiringidza zvinhu, vanhu vakaramba vachitenga zvekudya nezvekupfeka munguva iyi.
Nyanzvi dzeupfumi dzinoti kunyange hazvo denda reCovid-19 rakavhiringidza zvinhu, vanhu vakaramba vachitenga zvekudya nezvekupfeka munguva iyi.

Vakuru vakati kuipa kwechimwe kunakana kwechimwe. Izvi ndizvo zvinenge zvakaitika muboka rezvekutengeserana revezvitoro, iro rinoti kunyange hazvo rakakanganiswa zvakanyanya nedenda reCovid-19 rakatokura nezvikamu zvishanu nechiga chimwe kubva muzana kana kuti 5.1 precent mugore rino.

Izvi zvakaziviswa nemutungamiri wesangano rinomirira vezvitoro, reConfederation of Zimbabwe Retailers VaDenford Mutashu svondo rapera vachiti vanofara kuti boka ravo rakakura nezvikamu zvavakanga vakatarisira gore rino kunyange hazvo rakasangana nezvimhingamipinyi zvakakonzerwa nedenda iri.

Nyanzvi mune zvehupfumi vari mutungamiri webato rinopikisa re Nationalists Alliance Party uye vari nhengo ye Polad, VaDivine Hove, vanoti nyaya iyi ine mativi akati kuti kuti munhu anyatsonzwisisa zviri kuitika pasi apa, vachiti zvinenge zvakakosha kuti panzwisiswe kuti kukura kuri kutaurwa uku kuri kubva papi kuchienda papi.

Asi imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanotsanangura zvinotariswa pakukura kuri kutaurwa uku vachiti vanenge vachitarisa zvigadzirwa zvavanenge vatengesa mugore rino, vachienzanisa nezvavakatengesa mugore rapera.

Asi VaHove vanoti kunyange hazvo pachida kunzwisiswa kuti zvinhu zviri kufamba sei, vanoti zvinenge zviri zvinhu zvakanaka chose kuti hupfumi hwenyika hwakakura munguva yezvimhingamipinyi zvedenda reCovid-19.

Imwe nyanzvi yezvehupfumi uye vakambotungamira sangano reEmployers’ Confederation of Zimbabwe, EMCOZ, VaJohn Mufukare, vanotiwo kukura kweboka revezvitoro uku kwakave minana chaiyo pachitariswa matambudziko akawanda akakonzerwa neCovid-19 anosanganisira kuderedwa kwenguva dzekuvhurwa kwezvitoro, uye kumbovharwa kweboka revanozvishandira rinove ndiro rave guru kudarika vakabairwa zvitupa.

Imwe nyanzvi vari munyori wezvehupfumi mubato reMDC-T, Doctor Tapiwa Mashakada vane mamwe maonero panyaya iyi,

Asi Doctor Mashakada vanoti chinonetsa muboka iri inyaya yemitengo iri kuita chamurambamhuru.

Vamwe vanotevera zvehupfumi vanoti kunyange pakaita matambudziko akadii, veruzhinji vanototi vatenge zvekudya nezvekupfeka, izvo zvinogona kunge zvakaita kuti boka iri rikure.

Mune dzimwe nyika vanoongorora zvehupfumi vanoti boka iri rakatokura munguva yeCovid-19 ino sezvo vanhu vakawanda vakanga vasina zvekuita kunze kwekutenga zvinhu muzvitoro kana pamadandemitande.

Sezvo nyika yatarisana nemwaka wekurima pamwe nezororo reKisimusi, boka rezvekutengesa iri rinogona kuwedzera zvakare kukura kwaro sezvo vanhu vari kuita besanwa muzvitoro.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG